Accessibility links

Breaking News

Vasungwa Vanoudza Dare Kuti Vakarohwa neMasoja


Zimbabwe Election Violence

Vanhu vanoti vachiri kushungurudzwa nekurohwa nemasoja muBulawayo mushure memhirizhonga yakaitika munyika svondo rapera.

Kurohwa nemasoja kwakadai kwabudiswa pachena mudare ramejasitireti muBulawayo apo vamwe varume vatatu vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuwanikwa vaine zvinodhaka.

Vatatu ava vaudza dare kuti vaive vakamisa motokari yavo pane imwe nzvimbo mumusha unogara veruzhinji muMakokoba neChitatu mambakwedza ndokubva vavingwa nemasoja ane chitsama akavabvunzurudza nezvenyaya yeshutdown.

Vatatu ava vanoti meshure mekanguva vakazotanga kurohwa nemasoja aya ndokuzoendeswa kuCentral Police Station uko vakanosiiwa mumaoko emapurisa vachinzi vaive vabatwa vaine zvinodhaka.

VaNqobani Sithole, avo vakamirira VaLeon Ncube vanove mumwe wevatatu ava vati vatatu ava havafanirwe kutombotongwa mudare nekuti havana kusungwa nemapurisa sezvinofanirwa pamutemo vachitiwo mabatirwo avakaitwa anoratidza kutyorwa kwekodzero kwakaipisisa.

VaMlweliwenkululeko Dube, avo varikumirira, VaKelvin Dube naVaCourage Mkandla, vatsinhirawo zvimwe chete mudare vakaita chikumbiro chekuti mapurisa aferefete nyaya iyi.

Mutongi wedare, VaTinashe Tashaya, vabvuma kuti kurohwa kunonzi kwakaitwa vatatu ava kunotyora kodzero dzavo vakati nyaya iyi inofanirwa kuferefeta muchuchisi ounza kudare gwaro rezvinenge zvawanikwa musi wa13 Kukadzi usati wasvika.

Mutongi wedare abvuma kuti vatatu ava vabvise mari yechibatiso yemadhora zana pamunhu mumwe chete kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

Mutauriri weZAPU, VaIphithule Maphosa, avo vati vakavanda sezvo vachiti vari kutsvagwa nemapurisa, vaudza Studio7 kuti vari kunzwawo nyaya dzekushungurudzwa nekurohwa kwevanhu izvo vashora zvikuru.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumasoja kana mapurisa panyaya iyi.

Zvichakadaro, VaLament Ngwenya, rimwe remagweta ari kumirira VaCharles Thomas, avo vakasungwa svondo rapera vachipomerwa pamwe chete naVaBernard Sibanda mhosva yekuuraya mupurisa, vati vari kukwidza neChishanu nyaya yechikumbiro chekubhadhara mari yechibatiso kudare repamusoro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG