Pfungwa dzevanhu vari kupa zvavanoda kuti zvinge zviri mubumbiro idzva remitemo yenyika kuManicaland zvingangokanganisike zvichitevera mashoko ekuti zvinyorwa nemifananidzo zvakatorwa ndokuchengetwa, zvingangodero zvakabatwa batwa nevanhu vasina kukodzera kuita izvi. Mifananidzo pamwe mashoko evanhu vanopa pfungwa dzavo, zvinochengeterwa pamahofisi ehurumende ari maMutare.
Zvinonzi pane vanhu vari kupinda mumizinda iyi vachibvisa zvimwe zvinhu zvinenge zvaunganidzwa muchirongwa chekunzwa pfungwa dzevanhu.
Vamwe vagari vekuMashonaland West, pamwe nemasangano akazvimirira oga, vanoti vari kutyisidzirwa nevasori apo vanenge vachiita basa ravo rekunzwa pfungwa dzavanhu.
Imwe nhengo yeCOPAC iri kushandira mudunhu iri, iyo yaramba kutaura neStudio7 sezvo isingabvumidzwe kutaura nevatori venhau, inoti vasori ava vari kuvhiringa chirongwa ichi.
Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti vakatambira mashoko aya ekuti vasori vari kunetsa kuMashonaland West.
Ukuwo vanoona nezvezvirongwa zveZimRights, Amai Olivia Gumbo, vanotiwo vasori vari kupinda mumisangano yeCOPAC munyika mose, izvo zviri kupa kuti vanhu vatye kupa pfungwa dzavo.