Accessibility links

Breaking News

COPAC Yotenderana Kuva neBumbiro Risingasunge VaMugabe Mbira dzaKondo


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, ye COPAC, inoti yabvisa chikamu chebumbiro remitemo change chopa kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasakwikwidze musarudzo dzinotevera sezvo vambogara pachigaro kwemakore anodarika gumi.

Zvaitwa neCOPAC zvinotyora chinangwa chekunyorwa kwebumbiro idzva sezvo hurongwa uhu huchitora zvakabva muvanhu. Veruzhinji vakanga vapa pfungwa yekuti mutungamiri anenge akambotonga nyika kwemakore gumi bumbiro idzva risati ranyorwa, haaifanirwa kukwikwidza zvakare.

Asi vakaoma musoro muZanu-PF vanoti chikamu chekuda kuti VaMugabe vasakwikwidze chainge chabva mumusoro mevevanhu vatatu vari kunyora bumbiro remitemo. Vamwe mubato iri vanoti vatatu ava vanofanira kusiya basa.

Bumbiro idzva iri rinoti munhu anenge oda kukwikwidza kuita mutungamiri wenyika, anofanira kuve nemakore makumi mana, uye ari chizvarwa cheZimbabwe. Munhu uyu anofanirwa kutungamira kwemakore gumi chete oenda pamudyandigere.

Kunyange patenderanwa nyaya iyi, pachine kunetsana pane zvimwe zvasara zvinoda kuti bumbiro remitemo ripere. Komiti inokokera COPAC yakasangana neMuvhuro ikangotenderana nyaya yekuvandudza mashandiro ehofisi yemuchuchusi mukuru wenyika.

Asi vakatadza kuwirirana panyaya yekutongera vanhu rufu kana kuti kwete, nyaya yekuendesa masimba kumatunhu, kupa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukana wekuti zvikwanisewo kuva zvizvarwa pamutemo yenyika dzazviri kugara vasingarasikirwe nekodzero yavo yekuva zvizvarwa zveZimbabwe, kana kuti "dual citizenship". Izvi zvave kupa kuti bumbiro rinonoke kupera.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu-PF, vanoti kana bumbiro idzva richinyorwa, hapafanirwe kutariswa munhu.

Sachigaro weCOPAC anomiririra MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti vatenderana uye vanofunga kuti vachapedza kunyora bumbiro iri nenguva.

Zimbabwe inosungirwa kuita bumbiro idzva remitemo yenyika pasati paitwa sarudzo sezvakawiriranwa muchibvumirano chezvematongerwo enyika che Global Political Agreement. Bumbiro idzva iri richavhoterwa pareferendamu senzira yekuona kuti vanhu vanorida here kana kuti kwete.

Sangano reNational Constitutional Assembly rinoti veruzhinji vanofanirwa kuramba kutambira bumbiro iri pareferendamu nekuti pfungwa dzevanhu hadzina kuremekedzwa nemapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende.

XS
SM
MD
LG