Accessibility links

Breaking News

Copac Yotarisana neMatambudziko eMari Sezvo UNDP Yoti Inoda Humbowo


Hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, hunogona kuvhiringwa kana kupokana kuri pakati pevari kupa mari chirongwa ichi, veUnited Nations Development Fund, UNDP, nekomiti yeparamende iri kutungamiri basa iri, yeCopac, kana kukasagadziriswa nechimbi chimbi.

UNDP iri kunetsana neCopac pamashandisirwo akaitwa mari neCopac zvikuru mari dzekubhadhara mahotera, pamwe nemari dziri kupihwa makambani ari kushandiswa kuita basa reCopac, akaita sedzimotokari nezvimwe zvakadaro.



Asi mumwe wemasachigaro eCopac, uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti vakaita musangano neUNDP wekuedza kugadzirisa zviri kunetsa. VaMwonzora vanoti ichokwadi kuti UNDP pane zvaisiri kufara nazvo.

Ukuwo nhengo dzeCopac kuMashonaland West dzaita musangano kuChegutu, wekutarisa matambudziko avari kusangana nawo mukufambisa basa ravo. Matambudziko aya anosanganisirawo nyaya dzemhirizhonga pamwe nekutakurwa kwevanhu kubva kune mamwe matunhu vachiendeswa kunenge kuchiitirwa misangano.

Asi zvinonzi hapana zvawiriranwa pamusangano uyu, sezvo pasina zvisungo zvabudwa nazvo. Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhu mudunhu iri, uye vari veMDC T, Amai Editor Matamisa, vaudza Studio 7 kuti vari kutarisira kusangana nekomiti yevamiriri vemapato ezvematongerwo enyika neChitatu kuti vaedze kukurukura nyaya iyi.

Dunhu reMidlands rinonzi rayambira Copac kuti vanhu vari kushanda nekomiti iyi, vachakanda mapadza pasi, sezvo vasiri kufara nekusabhadarwa, pamwe nekushaya zvinhu zvekushandisa.

Zvinonzi vamwe vanhu vapinda musvondo reshanu vasati vapihwa mari dzavo. Vanoziva zviri kuitika vanoti vanhu vakawanda havana kuenda kunoita basa mudunhu iri. Zvinonziwo vashandi veCopac vari kuMasvingo vari kunyunyutawo nekusapihwa chikafu mumahotera avari kugara.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhu, Amai Gladys Gombami Dube, vanoti misangano kumatunhu eMatebeleland South neMatabeleland North iri kuenderera mberi zvakanaka nekuti vashandi veCopac vabvumirana kuti vachaenderera mberi nemabasa avo kunyange hazvo vasina kubhadharwa.

XS
SM
MD
LG