Accessibility links

Breaking News

COPAC Yokurudzira Vanhu Kuti Vatambire Bumbiro Idzva


Masachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, ari kukurudzira vana veZimbabwe kuti vazotambira bumbiro remitemo yenyika kana vazopiwa mukana wekuti vatambire kana kuramba kutambira Draft Constitution pareferendamu ichaitwa munyika.

VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu PF, vanoti vanhu havafanirwi kurasikirwa nemukana wekuve nebumbiro remitemo rakabva muvanhu, vachiti kuramba Draft Constitution kunodzosera nyika kumashure zvikuru, sezvo bumbiro riripo ikozvino risingapi vana veZimbabwe mukana wekuzvisimudzira munyaya dzeupfumi.

Hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva huri kuramba huchinonotswa nekuda kwekusawirirana pakati pemapato ari muhurumende pamwe nekushaikwa kwemari.

Svondo rapera, hurongwa uhu hwakambosendekwa parutivi vemapato vatadza kuwirirana panzira dzingashandiswa mukuunganidza pfungwa dzevanhu.

Komiti inoona mashandiro eCOPAC yasangana kumadeuka zuva uye zvinonzi yawirirana kuti vechiuto vari muCOPAC vanofanirwa kumira basa. Zvinonzi komiti iyi yati ichagadzirisa kusawirirana kunonzi kuri muCOPAC nemusi weChina svondo rino.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC vachimirira MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanotiwo vanowirirana naVaMangwana mukukurudzira vana veZimbabwe kuti vazotambira bumbiro idzva riri kunyorwa, zvisineyi kuti pane makakatanwa mukunyorwa kwaro.

Asi sachigaro weNational Constitutional Assembly, kana kuti NCA, Professor Lovemore Madhuku, vanoti vanhu vanofanirwa kuramba bumbiro iri sezvo riine zvido zvevematongerwo enyika.

Sangano raVaMadhuku rakakurudzira veruzhinji kuramba kutambira Draft Constitution yakaitwa muna 1999 mureferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000.

NCA iri kukurudzira zvakare vanhu kuti varambe kutambira bumbiro idzva rakanyorwa pasi pehurongwa hwaitungamirwa nehurumende. Sangano iri rinoda kuti hurongwa uhu hutungamirwe nevanhu vasiri muhurumende.

XS
SM
MD
LG