Accessibility links

Breaking News

Copac Yodzokerera Nzvimbo Gumi neIna


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, inoti nzvimbo gumi ne ina dzichaitwa zvakare chirongwa ichi. Nzvimbo idzi dzakaita mhirizhonga pakaitwa chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva.

Mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora, vanoti pane nzvimbo imwe chete muHarare South, ye St Johns Retreat, inodawo kudzokororwa nekuti kwakaitika mhirizhonga zvichitevera kubaiwa nebanga kwakaitwa munhu mumwe chete.

Dzimwe nzvimbo dzasara dzichaitwa chirongwa chekunzwa pfungwa dzavanhu dzinosanganisa Makoni South, neNyanga mudunhu reManicaland.

Copac yakapedza misangano yemuHarare neChitungwiza mukupera kwesvondo. Misangano iyi yakaitwa kechipiri sezvo yekutanga yakavhiringwa nemhirizhonga.

Copac inoti iri kutsvaga mari inoita mamiriyoni matanhatu emadhora, kuitira kuti ichipinda muchikamu chechipiri chekunyorwa kwebumbiro idzva.

Komiti iyi inoti basa rechipiri nderekuunganidza zvinhu zvakataurwa nevanhu, izvo zvichaongororwa nemakomiti ehunyanzvi muzvinhu zvakasiyana, kana kuti thematic committees.

Mumwe wemasachigaro eCopac, VaPaul Mangwana, vanoti chiri kunyanyovanetsa pari zvinho inyaya yekuti vachawana mari yavari kuda riini kuitira kuti basa rifambire mberi.

Pasi pechibvumirano chekavaka hurumende yemubatanidzwa, Zimbabwe inofanirwa kuumba bumbiro idzva, iro rinozoshandiswa musarudzo dzichaitwa munyika.

Kana bumbiro rapera kunyorwa, pachaitwa referendamu yekunzwa kana vanhu vachitambira kana kuramba kutambira bumbiro rinenge ranyorwa.

XS
SM
MD
LG