Accessibility links

Breaking News

Copac Yoda US$6 Million Kuti Basa Rayo Ripere


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCopac, inoti iri kutsvaga mari inoita mamiriyoni matanhatu emadhora, kuitira kuti ichipinda muchikamu chechipiri chekunyorwa kwebumbiro idzva.

Izvi zvinotevera kupedza kwayakaita basa remuHarare neChitungwiza mukupera kwesvondo.

Komiti iyi inoti basa rechipiri nderekuunganidza zvinhu zvakataurwa nevanhu, izvo zvichaongororwa nemakomiti ehunyanzvi muzvinhu zvakasiyana, kana kuti thematic committees.

Mumwe wemasachigaro eCopac, VaPaul Mangwana, vanoti chiri kunyanyovanetsa pari zvinho inyaya yekuti vachawana mari yavari kuda riini kuitira kuti basa rifambire mberi.

Pasi pechibvumirano chekavaka hurumende yemubatanidzwa, Zimbabwe inofanirwa kuumba bumbiro idzva, iro rinozoshandiswa musarudzo dzichaitwa munyika.

Kana bumbiro rapera kunyorwa, pachaitwa referendamu yekunzwa kana vanhu vachitambira kana kuramba kutambira bumbiro rinenge ranyorwa.

XS
SM
MD
LG