Accessibility links

Breaking News

COPAC Inozeya Zviri Kuda Kuiswa muBumbiro neZanu PF


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, yasangana muHarare kuti izeye zvimhingamipinyi zviri kunonotsa kupetwa kwechirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva.

Zvimwe zvinonzi zvakurukurwa nezvazvo makakatanwa anonzi akonzerwa nedanho rebato reZanu PF rekuda kushandura zvakawiriranwa zvatove mugwaro iri.

Bato iri rinonzi rine gwaro rine zvarinoda kuti zviiswe mubumbiro idzva nezvimwe zvarave kuramba.

Asi mapato maviri eMDC anonzi ari kuramba kuzvitambira.

Zvimwe zvinonzi zviri kudiwa neZanu PF zvinonzi zvinosanganisira zvekuti mauto abvumidzwe kuve nechekuita munyaya dzezvematongerwo enyika, mutungamiri wenyika vave nemasimba ekuendesa mauto kuhondo vasina kubvumirana nedare reparamende uye kuti ave iye chete ane masimba mazhinji.

Zanu PF inonzi inodawo zvakare kuti pasave nekuzvitonga kwematunhu, uye kuti bumbiro idzva risave nechekuita nenyaya yezvemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Bato iri harisi kuda zvakare kuti paumbwe boka rinozoona nezvekutongwa kwemhosva, reNational Prosecution Authority nezvimwe.

Kukakavadzana uku kunonzi kwadzosera shure basa rekunyorwa kwebumbiro idzva, izvo zvinonzi zvakaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakomekedze kuti COPAC ikasike kupedza kunyora bumbiro iri, kuitira kuti munyika mukasike kuitwa sarudzo.

VaMugabe vanoti hurumende yemubatanidzwa yakundikana kuita basa nokudaro munyika munofanirwa kuitwa sarudzo.

Nhengo yeCOPAC, Muzvare Jessie Majome veMDC-T, vaudza Studio7 chinangwa chemusangano uyu change chiri chekubuda negwaro richazoendeswa kukomiti iri kukokera hurongwa hwebumbiro kuitira kuti igadzirise gakava riripo.

Pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement, Zimbabwe inofanirwa kutanga yanyora bumbiro idzva munyika musati maitwa sarudzo.

XS
SM
MD
LG