Accessibility links

Breaking News

Copac Inoti Vashandi Vayo Vatambira Mari Dzavo zvisina Dambudziko


Vatyairi vedzimotokari vanopfuura makumi matatu vari kushanda nekomiti iri kutungamira chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo, yeCOPAC, vamboramwa mabasa neChitatu kuManicaland vachiti vanoda kubhadharwa mari yemuhoro pamwedzi wavashanda. Vatyairi ava vazonyengetedzwa kuenda kubasa mushure memusangano wavaita nevakuru vavo.

Kunyange hazvo pamboita mutauro wemari kuManicaland, COPAC inoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka uye vamwe vashandi vayo vabhadharwa zvisina dambudziko, kunyange hazvo pamboita dambudziko revatyairi.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti chibvumirano chavo nevatyairi chinotaura kuti vanofanirwa kuwana mari dzavo kamwe chete pamwedzi, kwete kubhadharwa muzvidimu, sezviri kuitwa vamwe vose vari pasi peCOPAC.


Asi vatyairi vati havatomboziva kuti vachatambira riini, uye havazivi kuti vari kutambiriswa mari yakawanda zvakadii?

VaMwonzora vanoti vanoda imwe mari inodarika mamiriyoni mana emadhora, sezvo vakawedzera nguva ichaitwa basa nemazuva makumi maviri nematatu.

Vachitaurawo nevatori venhau muHarare, gurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vatiwo hurumende, ichabatsirwa nemasangano akazvimirira, yawedzera imwe mari inoita mamiriyoni masere emadhora ichashandiswa muchirongwa ichi.

XS
SM
MD
LG