Accessibility links

Breaking News

Copac Inoti Hurongwa hweKunzwa Pfungwa dzeVanhu Huchaenderera Mberi


Mumwe wemasachigaro eCopac kuManicaland, seneta Cephas Makuyana, vanoti vambomisa basa mumwe mushandi weCopac mushure mekudzinwa kwemifananidzo yainge yatorwa kuChipinge West.

Mifananidzo iyi yaive yevanhu vainge vachipa pfungwa dzavo maererano nezvavanoda kuti zvinge zviri mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Zvinonzi nyakumbomiswa basa uyu anzi atsanangure zvakaitika kuti mifananidzo iyi ishaikwe, Copac yozoongorora zvaanenge anyora, isati yapa chisungo chekuti odzokera here kana kuti kwete pabasa raanga achiita.

Zvichakadaro, Copac inoti hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika huri kuenderera mberi, kunyange hazvo mazuva makumi matanhatu nemashanu akanga akatarwa pakutanga kuti ndiwo achaitwa chirongwa ichi, ari kukwana neChishanu.

Komiti iyi yakazivisa kuti chirongwa ichi chichawedzerwa nemazuva gumi nemashanu. Asi zvinonzi paitawo dambudziko remari sezvo sangano ranga richibatsira nemari reUNDP richinzi riri kunyunyuta nemashandisirwo emari pahurongwa uhu, uye harisi kutambira kuwedzerwa kwemazuva pachirongwa ichi.

Mumwe wemasachigaro eCopac munyika yose, VaDouglas Mwonzora, vari kutarisirwa kusangana neUNDP nemusi weMuvhuro kuti vazeye nyaya iyi zvizere. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuUNDP divi rayo panyaya iyi.

Sachigaro weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, avo vari kupikisa kunyorwa kwebumbiro idzva rinotungamirwa nehurumende, vaudzawo Studio7 kuti masangano ari kubatsira haafanirwi kuchema-chema sezvo akapinda muhurongwa uhu achiziva kuti mari ichashandiswa nenzira isina kunaka.

XS
SM
MD
LG