Accessibility links

Breaking News

Copac Inoti Yavimbiswa neMapurisa Kuchengetedza Runyararo muHarare


Komiti yeCopac inoti mapurisa avimbisa kuti achachengetedza runyararo pachaitwa chirongwa chekunzwa pfungwa dzevagari veHarare zvavanoda kuti zvinge zviri mubumbiro idzva. Chirongwa chemuHarare chakambomiswa zvichitevera mhirizhonga yakakonzerwa nemamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora, vanoti vanovimba kuti mapurisa achaita basa rawo nemazvo, kuitira kuti chirongwa ichi chibudirire.

VaMwonzora vanotiwo vachapinda muChitungwiza kupera kwesvondo munguva iyo vachange vachibata basa remuHarare.

Zimbabwe inofanirwa kuva nebumbiro idzva pasati paitwa sarudzo dzinonzi dziri kuda kuitwa gore rinouya. Pasi pechibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa, sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwa mushure meferendamu.

XS
SM
MD
LG