Accessibility links

Breaking News

COPAC Inonzi Ikwenenzvere Gwaro reBumbiro neChishanu


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro remitemo, yeCOPAC, yapihwa kusvika Chishanu kuti ikwenenzvere gwaro rayo rekutanga iro rinonzi nenyanzvi dzemitemo harina kumira zvakanaka uye rinoratidza kuti basa harina kuitwa nemazvo.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vabvuma kuti ichokwadi kuti komiti inokokera basa ravari kuita yakati vakwenenzvere gwaro ravo vapedze pasati paitwa musangano wekomiti iyi neMuvhuro.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kunyange hazvo COPAC yange ichiti chasara chete inyaya yekuti matunhu otongwa sei, pane zvakawanda zviri kuda kuitwa zvakafanana nenyaya yeminda, nyaya yekodzero dzingapihwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, kana kuti dual citizenship, pamwe nenyaya yekuti koita nhengo dzedare reparamende ngani.

Zvinonziwo zvimwe zvinhu hazvina kunyorwa zvakanaka mubumbiro idzva. Kunetsana kunotyisa muZanu-PF kunonzi kwave kutarisirwawo kunetsa COPAC sezvo vakaoma musoro mubato iri vari kuti COPAC haina kuisa zvido zvevanhu.

VeZanu-PF vaita musangano neChitatu uye vakaoma musoro vanoti havasi kufara nebasa reCOPAC. Komiti yepamusoro soro yeZanu PF iri kutarisira kusimudzira nyaya iyi zvakare neChina.

Gurukota rinoona nezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti ichokwadi kuti pane zviri kuda kukwenenzverwa asi vari kufara nebasa reCOPAC kusvika pari zvino.

XS
SM
MD
LG