Accessibility links

Breaking News

Copac Inoita Musangano neUNDP weKuzeya Kunyorwa kweBumbiro Idzva


Nhengo dzekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCopac, dziri kushandira kumatunhu eMashonaland Central neMashonaland East, dzanyorera kumasachigaro ekomiti iyi dzichitsutsumwa zvikuru nenyaya yekuti dzibatsire muchirongwa chemuHarare idzo dzisati dzapedza basa radzo mumatunhu adziri kushandira.


Asi zvinonzi komiti huru yeCopac yazogara pasi ikawirarana nevanhu vari kushanda vari kuMashonaland kuti vazopinda muHarare mushure mekunge vapedza chirongwa ichi mumatunhu avari kushandira.

Ukuwo zvinonzi zvikwata zvina zvenhengo dzeCopac zvakwanisa kuenda kubasa mudunhu reManicaland kunyange hazvo nhengo idzi dzakange dzati dzichaenda pazororo kutanga Muvhuro. Asi zvikwata zvitanhatu zvinonzi hazvina kuenda kunonzwa pfungwa dzevanhu, sezvo vanhu vemunzvimbo dzavanga vachifanirwa kuenda, vanga vasina kuudzwa.

Zvimwe zvikwata zvekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika zvinoti mazuva gumi nemashanu akawedzerwa nawo muchirongwa ichi, haakwani kuti zvipedze matunhu asara, ayo anosanganisira Harare neBulawayo.

Danho iri rava kuita kuti zvikwata izvi zviite misangano yakawanda pazuva senzira yekuedza kufambisa basa rasara. Asi zvikwata zviri mudunhu reMidlands zvinoti hazvina dambudziko nenguva yakawedzerwa iyi sezvo zviri kutarisira kupedza kushanyira nzvimbo dzasara mukati memazuva aya.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhu mudunhu reMidlands, uye vachimirira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaAmos Chibaya, vanoti dambudziko ravainaro chete ndere kunonoka kubhadharwa kwedzimwe nhengo dziri muCopac.

Sangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, YIDEZ, rinoti vechidiki vakawanda kunyanya vari kumaruva havasi kupinda mumisangano yeCopac.

Mutungamiri weYIDEZ, VaSydney Chisi, vanoti vechidiki vari kutya kupinda mumisagano iyi, uye kune mamwe mapato asiri kuda kuti vapinde mumisangano iyi vachitaura zvavanoda sezvo vechidiki vachizivikanwa nekutaura chokwadi chinomirira veruzhinji.

XS
SM
MD
LG