Accessibility links

Breaking News

COPAC Inopa Mukana Vari Kunze Kuti Vapewo Pfungwa Dzavo


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, kana kuti COPAC, yaparura neChipiri website iyo ichaita kuti vari kunze kwenyika pamwe nevasingakwanisi kupinda mumusangano yekutsvaga pfungwa dzevanhu, vape pfungwa dzavo pamusoro pebumbiro idzva remitemo yenyika.

Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva, VaDouglas Mwonzora, vanoti chirongwa chavaparura chichabatsira zvikuru.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mumwe wemasachigaro uye vari nhengo yeZanu PF, VaPaul Mangwana, vati havasi kufara nebasa riri kuitwa nevatori venhau, avo vati vanongoda chete kutarisa zvakaipa muchirongwa chiri kutarisirwa kuti nyika ifambire mberi.

Mashoko atiri kutambaira anotiwo nhengo yebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai ichimirira Masvingo West muparamende, VaTachiona Mharadze, vari kubvunzurudzwa nemapurisa kuMasvingo, zvichitevera mhosva yavari kupomerwa yekuburitsa pfuti paiitwa hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu paZano Business Center mudunhu reMasvingo North.

Vachitaura vari mukamba yemapurisa, VaMharadze, avo vari kuti vasungwa, vanoti varamba mashoko avari kupomerwa.

Vatiwo havazivi munhu akavamhan’garira kumapurisa. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumapurisa panyaya iyi.

Ukuwo hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo hunonzi hwanonoka kutanga mudunhu reZvishavane, kuMidlands, mushure mekunge vari kunyora zviri kubva muvanhu, kana kuti rapporteurs, vanga voronga kuramwa mabasa vachinyunyuta nekunonoka kutambiriswa mari dzavo.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhu mudunhu reMidlands, uye vachimirira MDC-T, VaAmos Chibaya, vanoti kunyange hazvo pamboitika mutauro, zvinhu zvava kufamba.

Zvichakadaro, sangano rakazvimirira reCenter for Community Development in Zimbabwe, rinoti vanhu vachiri kumbunyikidzwa muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva. Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri, VaPhilip Pasirayi, vanoti vazvionera voga pamisangano yaitwa kuMurehwa North, kuMashonaland East.

Zvinonziwo nzvimbo dzemuKaroi hadzina kuita chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva neChipiri. Vagari vemudunhu reHurungwe vanonzi vava kuchema chema nerekuti nhengo dzeCOPAC dzabuda munzvimbo yavo vasina kupihwa mukana wekupa pfungwa dzavo kusangano iri.

XS
SM
MD
LG