Accessibility links

Breaking News

Muzvare Marry Mubaiwa Vopikisa Kugariswa Mujeri Kwavakaitwa


Muzvare Marry Mubaiwa
Muzvare Marry Mubaiwa

Mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, uyo wavari kunetsana naye mumatare edzimhosva, Muzvare Marry Mubaiwa, vasvitsa chikumbiro kudare repamusoro chekuti mutongo wakaturwa nedare ramejasitiriti wekuti vagare mujeri kwemazuva gumi vachiongororwa hutano hwavo usendekwe parutivi.

Mumapepa ari pamberi pedare, Muzvare Mubaiwa vati havasi kunzwa zvakanaka zvekuti hazvigone kuti varambe vari muhusungwa.

Muzvare Mubaiwa vati hapana chikonzero chekuti vaongororwe hutano hwavo patsva nevamwe anachiremba vehurumende sezvo vakamboongororwa kare nana chiremba vatatu vehurumende kunyange hazvo anachiremba ava vakaona zvakasiyana panyaya yekuti vanokwanisa kumira pamberi pedare vachitongwa here kana kuti kwete.

Nekuda kwekurwara kwavari kuita, Muzvare Mubaiwa vanoti kugariswa mujeri kunotyora kodzero dzavo dzekurapwa nanachiremba vavanoda.

Asi chikumbiro chavo chatadza kunzwikwa nhasi sezvo gweta ranga rakamirira hurumemende panyaya iyi, Amai Sharon Fero, vaudza dare kuti havana kugadzirira zvakakwana kuti vapikise chikumbiro chaMuzvare Mubaiwa chekuti mutongo wakaturwa nemutongi wedare ramejasitiriti, VaLanzini Ncube, wekuti vagare mujeri kwemazuva gumi vachiongororwa hutano hwavo nevamwe anachiremba usendekwe parutivi.

Amai Fero vatiwo havasati vawava gwaro remafambiro akaita nyaya iyi mudare ramejasitiriti, kana kuti record of proceedings, kuti vanyatsoziva kuti nyaya iyi yakafamba sei mudare iri.

Gweta raMuzvare Mubaiwa, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza mutongi wedare repamusoro ari kunzwa chikumbiro ichi, Amai Sylvia Chirawu Mugomba, kuti vawana gwaro iri asi mutongi wedare ramejasitiriti akatura mutongo uyu haasati asaina gwaro iri vachiti hurumende iri kutsvagiridza nzira dzekuti chikumbiro chaMuzvare Mubaiwa chinonoke kunzwikwa uku nguva ichifamba.

Nokudaro, Amai Chirawu Mugomba vatura mutongo wekuti bazi revachuchisi rione kuti magwaro emafambiro akaita nyaya kudare ramejasitiriti asvitswa kudare repamusoro mangwana uye kuti hurumende yapa mhinduro yayo kuchikumbiro ichi nemusi weSvondo.

Zvatuarwa naAmai Chirawu Mugomba zvatsinhirwa naAmai Mtetwa.

Muzvare Mubaiwa vari kupomerwa mhosva yekuda kuuraya murume wavo uye vari mutevedzeri wemutungamiri VaConstantino Chiwenga pavaive mune chimwe chipatara chekuSouth Africa, kufojera mapepa emuchato, kuburitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo pamwe nekurova musikana aishanda kumba kwavo, vanoti havakwanise kumira pamberi pedare kuti vatongwe nenyaya idzi izvo zvakatsinhirwa neumwe chiremba wehurumende uyo akati Muzvare Mubaiwa vari kukurumidza kukanganwa.

Chiremba uyu akatiwo Muzvare Mubaiwa vari kuratidza kushungurudzika zvakanyanya zvichikonzerwa nekunyimwa kwavari kuitwa vana vavo naVaChiwenga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG