Accessibility links

Breaking News

Sangano reCitizens Initiative Robatsira Vanoshaya muZimbabwe


Zimbabwe Citiweans Free Health Bulawayo2

Vanhu vakawanda vanorwara vari kutarisira kubatsirwa nechirongwa chakatanga kushanda nemusi weChitatu muBulawayo, icho chiri kurapa pamwe nekutengera varwere mishonga pasina muripo.

Mumwe mugari wemuBulawayo, VaJack Mpofu, vakakuvara musana uye havazi kunyatsogona kufamba nekuda kwekukuvara uku.

VaMpofu vakambobatsirwa pachipatara cheMpilo muna Nyamavhuvhu, vakange vave kunzwa zviri nani, asi vakazotanga zvakare kurwadziwa munguva pfupi yapfuura.

VaMpofu ndemumwe wevanhu vakawanda vaonekwa zviri pachena pachipatara chakazvimirira chega cheBulawayo West Memorial Clinic chiri mumusha weCowdray Park.

VaMpofu, avo vaimbove murwiri wehondo yerusununguko, vati vafara zvikuru nechirongwa ichi vachitiwo mari yemudyandigere yavanowana, ishoma zvikuru zvekuti vange vasingakwanisi kuti vanorapwa kuzvipatara zvisiri zvehurumende.

Mumwe mugari, VaWillias Dube, vanoti vakwanisa kuonekwawo pachena pasi pechirongwa chimwe chete uye vafarawo nekuda kwechirongwa ichi.

Chirongwa chekubatsira varwere ichi chakavambwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri pasi pesangano rinonzi Citizens Initiative.

Chipangamazano musangano re Citizens Initiative, uye vari mumwe wevakatanga chirongwa cheCitiweans Clinics, VaFreeman Chari, vanoti vakaumba homwe yekuunganidza mari ichange ichibatsira mukurapisa vanoshaya.


Bulawayo West Memorial Polyclinic ndicho chipatara chekutanga chaita chirongwa ichi,icho chakatanga nezuro.

Mukuru wechipatara ichi, Dr Artmore Chakanyuka, vati vaona zvakakodzera kuve muchirongwa ichi sezvo chipatara chavo chiri munzvimbo inogara veruzhinji. Vati vari kushanda naana chiremba vashanu, uye kusvika pari zvino, vaona varwere vanopfuura mazana mana.

Mumwe chiremba asina kuda kudomwa nezita ati ndemumwe waana chiremba vakadzingwa basa nehurumende munguva pfupi yapfuura uye aona zvakakodzera kuti apinde muchirongwa ichi sezvo achiziva kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende.

Mukoti wezvemazino achange achishanda nechirongwa ichi, Muzvare Thandazile Gumede ,vati vachange vachiongorora mazino evanhu pachena nemusi weMugovera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kuti inotambira seyi hurongwa hwakadai panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende.

Chirongwa chekuongorora varwere pachena ichi muBulawayochakatanga nezuro uye chinopera musi weMugovera, asi chinotarisirwa kuitwa mune dzimwe nzvimbo dzakasiyana-siyana munyika.

Chirongwa ichi chiri kuuya apo hupenyu hwevarwere vakawanda huri munjodzi sezvo muzvipatara zvehurumende musina vana chiremba vakakwana nekuda kwemakakatanwa ari pakati pehurumende naana chiremba vadiki.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG