Accessibility links

Breaking News

Machechi Okurudzira Runyararo Mushure meMutongo weConCourt


Zimbabwe Council of Churches, ZCC, iri kukurudzira hurumende neveruzhinji kukoshesa kutaurirana pamwe nerunyararo zvisinei nezvichaturwa nedare reConstitutional Court panyaya iri mudare iri.

Munyori muZCC, Reverend Dr Kenneth Mtata, vati nyaya iri kuConcourt yakakosha zvikuru. Asi vati kana dare rapedza basa raro, basa guru nderekukurudzira runyararo nekubatana munyika. VaMtata vati nekusagutsikana kuri munyika, zvakakosha kugadzirisa hukama hwakaputsika.

ZCC inotiwo kutevedzwa kwebumbiro remitemo yenyika kwakakoshawo zvikuru mukuunza runyararo. VaMtata vati bumbiro rinofanirwa kutevedzwa huye mitemo yogadziriswa kuzadzisa zviri mubumbiro.

VaMtata vatiwo semakereke vanokurudzirawo kuvandudzwa kwehupfumi hwenyika kuitira kuti varombo vawanewo chauviri huye kuti vechidiki vawanewo hupfumi.

Munyika mune kusawirirana zvikuru zvichitevera mabatirwo akaitwa sarudzo neZimbabwe Electoral Commission uko kwakapa kuti kupokana kwezvakabuda musarudzo kupedzisire kwapinda muConCourt.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG