Zimbabwe Council of Churches, ZCC, iri kukurudzira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti ibatane neMDC Alliance.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, munyori muZCC , Reverend Kenneth Mtata, vati semakereke vari kukurudzira VaMnangagwa kuti vaite nhaurirano neMDC Alliance.
VaMtata vati zvakabuda musarudzo zvinoratidza kuti vatungamiriri vaviri ava vane vatsigiri vakaenzana munyika.
ZCC yatiwo iri kukurudzira MDC Alliance kuti kana iine zvinyunyuto, ishandise matare edzimhosva.
ZCC yatiwo kana MDC Alliance isingavimbe nematare, yakasununguka kutaura nevemakereke kuitira kuti zvakabuda musarudzo zvingagadzirwe.
ZCC yatiwo zvakakosha kuti VaNelson Chamisa vacherechedzwe sezvo vaine vatsigiri vakawanda.
ZCC yakurudzirawo kuti nyika dzekunze dziwone kuti dzingadyidzane sei neZimbabwe dzisingatarisi zvakabuda musarudzo.
ZCC inotiwo kusadyidzana nedzimwe nyika kwanyanyobata ruzhinji rweZimbabwe kwete vatungamiriri vehurumende.
ZCC yatiwo panofanirwa kunyatsoongororwa kuti vanhu vakafa mukuratidzira vakafa sei.
Vatiwo chavanoshuvira runyararo nekuchengetedzwa kwehupenyu hweveruzhinji.
Facebook Forum