Accessibility links

Breaking News

Christian Alliance Yoronga Kusangana na VaChihuri


Nhengo dzeChristian Alliance ina pamwe nevamwe vanamati vapfumbamwe, avo vakasungwa neMugovera muHarare pagungano rekunamatira nyika, vakaburitswa muhusungwa neMuvhuro manheru vasina mhosva yavakapomerwa.

Izvi zvinotevera kuramba kubhadhara mari yekubvuma mhosva kwakaitwa nevafundisi ava, avo vaipomerwa mhosva yekuungana nekukonzera ruzha panzvimbo yeruzhinji.

Christian Alliance yakaronga munamato wekurangarira zvakaitika musi wa11 Kurume 2007, apo sangano reSave Zimbabwe Campaign, rakaita hurongwa hwekunamatira nyika. Asi hurumende, ichishandisa mapurisa, yakarova zvakaipisisa pamwe nekusunga vanhu vakanga vaungana muZimbabwe Grounds.

Vanhu vakarohwa vakasungwa vanosanganisira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, sachigaro weNCA, VaLovemore Madhuku, nhengo dzeMDC dzinosanganisira muchakabvu Gift Tandare, Amai Sekai Holland, Muzvare Grace Kwinje nevamwe.

Gweta riri kumirira vasungwa ava, VaMarufu Mandevere, vanoti munhu mumwe chete, VaShakespeare Mukoyi, ndivo chete vachiri muhusungwa uye vari kupomerwa mhosva yekurova mupurisa.

Vafundisi ava pamwe naVaMukoyi vanonzi vakarohwa pamwe nekushungurudzwa vari muhusungwa.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muChristian Alliance, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti vane hurongwa hwekuti vasangane nemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, kuti vasvitse kusafara kwavo pamusoro pemabatirwo ari kuitwa nyaya dzemhirizhonga pamwe nekusungwa kwevanhu.

XS
SM
MD
LG