Accessibility links

Breaking News

Cholera Youraya Vanhu Gumi neVatanhatu Ichipararirawo kuManicaland


vanhu vane cholera kuBudiriro muHarare, Zimbabwe.
vanhu vane cholera kuBudiriro muHarare, Zimbabwe.

Bazi rezveHutano nekuchengetwa zvakanaka kwevana rabudisa mashoko ekuti mudunhu reManicaland mave nechirwere cheCholera chabata vanhu vanosvika vatatu.

Pavatatu ava, vaviri vacho vari kwaMurambinda kuBuhera nemumwechete ari kuchipatara cheRusape Mission.

Mukuru wezvehutano mudunhu reManicaland Dr Patron Mafaune vakaudza vatori venhau neMuvhuro kuti kunyangwe hazvo chirwere ichi change chave mudunhu reManicaland, hapana chikonzero chekuti vanhu vanyanye kuvhunduke sezvo varwere vatatu ava vange vari kuita zvakanaka uye hapana ati ashaya parizvino mudunhu rino.

Dr Mafaune vanoti vanofungidzira kuti nekuda kwekufamba kwevanhu nguva nenguva chirwere ichi chinogona kunge chakatapuriranwa nevainge vabva kuHarare uko chatekeshera zvakanyanya.

Dr Mafaune vanoti bazi rezvehutano rakatogadzirira pari zvino kudzivirira kupararira kwecholera kuvazhinji mudunhu nekutora matanho akasimba ehutsanana nekukurudzira vazhinji kusaita huchapa.

Mumwe chiremba Dr Patrick Chakonda vaudza Studio 7 kuti chirwere checholera ichi chinokonzerwa nekusatora matanho akanaka ehutsanana akaita sekugeza mawoko kana munhu abva kushanyira chimbuzi uye nekudya michero isina kugezwa nemvura yakachena, kudya chikafu munhu asina kugeza mawoko nemvura yakachena inochururuka uye nesipo.

Vanoti pane dzimwe nzira dzakawanda dzekudzivirira kubatwa kana kupararira kwechirwere ichi kuruzhinji munyika.

“Cholera inouya nekuti tsvina inenge yabatana nemvura yekunwa kana kushandisa, saka tsvina inofanirwa kuti iiswe pakakodzera kana kuti vanhu vanofanirwa kuitira tsvina mumatoilets, zvimbuzi.” Vanodaro VaChakonda.

Vanotizve, “Zvimbuzi izvozvi hazvifaniri kunge zviri panzvimbo yekuti panozopfachukira mvura yatinomwa. Mvura yedu yekumwa inofanirwa kutorwa munzvimbo dzakachena, kana kuti inofanirwa kuti yatorwa yoiswa mushonga kuitira kuti zvose zvinenge zvirimo zvikwanise kufa, kuitira kuti ikwanise kumwika. Saka vanhu vanofanirwa kuti vageze maoko nemvura yakachena kuitira zvavanodya zvisazova nekautachiwana kacho.”

Asi mumwe mugari wedunhu reManicaland VaClay Museka vanoti nyaya yekuti mvura haiwanikwe nguva zhinji muguta reMutare ndiyo inopa kuti igone kunetsa kugadzirisa.

“Tingati nyaya yecholera iyi inonangana nemvura yakachena kushomeka kwayo uye kushaikwa kwehutsanana saka tinoti kanzuru neMinistry of Health vabatane kuti matambudziko aya apere kuita kuti cholera isatenderere.” VaMasekesa vanoenderera mberi vachiti, “Tine dzimwe nzvimbo dzinosvika mvura nenguva iri kure dzakaita seDangamvura neChikanga saka idzodzo dzinofanirwa kuti dzigadziriswe tisati tave nedambudziko.”

Asi vachangobva kusarudzwa kuva meya weguta iri VaBlessing Tandi vanoti vagari pamwechete nekanzuru vanofanirwa kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru nekubvisa mari dzemitero kuti kanzuru ikwanise kuita mabasa ayo nemazvo.

“Asi isu chatingakwanisa kuvimbisa vagari vemaMutare it’s effective service delivery, sezvo sema-local authorities ndiro basa redu, but neprojection yedu pari zvino malocal authorities haana mari saka tinofanirwa kuita a robust approach yekubuilda marevenues edu.”

VaTandi vaenderera mberi vakati, “Tikatarisa zvakare tinoona kuti maresidents edu havazi kubvisa marates izvo zvinooita affect service delivery yakaita se-water nezvimwe.”

Vanhu vanodarika gumi nevatanhatu vakashaya munyika kubva pakatanga kuparira kwechirwere ichi uye bazi rezvehutano nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana riri kushambadzira nembozhanhare nzira dzekudzivira kutapuriranwa kwechirwere ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG