Kanzuru yeChitungwiza inoti haichaendereri mberi nekupwanya zvivakwa zvevagari vemudhorobha iri zvainoiti zvakavakwa zviri kunze kwemutemo mushure mukunge vagari vedhororobha iri vapikisa hurongwa uhwu vachiti zvaida kuitwa nekanzuru iyi zvaizvidza mutongo wakaturwa nedare repamusoro gore rapera.
Vakafanobata chigaro chemunyori wekanzuru yeChitungwiza, kana kuti acting chamber secretary, VaRaymond Gwinyai Wenyeve, vanyorera magweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights ayo ari kumirira sangano revagari vekuChitungwiza reChitungwiza Residents Trust vachiti kanzuru yavo yambomisa hurongwa hwekupwanyira vanhu dzimba nezvimwe zvivakwa zvinonzi nekanzuru iyi zvakavakwa zviri kunze kwemutemo panzvimbo yeChitungwiza Town Centre.
Kanzuru yeChitungwiza kubudikidza nevakafanobata chigaro chamabharani wekakanzuru iyi, kana kuti town clerk, Amai Evangelista Machona, yakanga yaburitsa chiziviso kuvagari ichiti vose vane zvivakwa zvakavakwa paTown Centre nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza nzvimbo yemabhimusi iyi vasina mvumo yekanzuru zvisinei nekuti ndivo varidzi here kana kuti kwete, vaifanira kuputsa zvivakwa izvi vega kanzuru isati yavapwanyira.
Asi mutsamba yavo, iyo iri mumaoko eStudio 7, VaWenyeve vati kupwanywa kwezvivakwa izvi kuchaitwa chete kana patevedzerwa zviri mubumbiro remitemo yenyika pamwe nemutemo unobata nyaya dzemadhorobha weRegional, Town and Country Planning Act.
Bumbiro remitemo rinoti hapana munhu ane mvumo yekupwanyira munhu pekugara kana zvimwe zvivakwa asina kupihwa mvumo yekuita izvi nematare edzimhosva.
Rimwe remagweta eZLHR riri kumirira Chitungwiza Residents Trust panyaya iyi, VaTinashe Chinopfukutwa, vaudza Studio 7 kuti vafara zvikuru nedanho razotorwa nekanzuru yeChitungwiza mushure mekunge vanyorera kanzuru yeChitungwiza tsamba vachipikisa danho rakanga ratorwa nekanzuru iyi.
VaChinopfukutwa vati vakayambira kanzuru yeChitungwiza kuti zvayaida kuita zvaizozvidza dare sezvo dare repamusoro rakamisa kupwanyirwa kwaiitwa vagari vedhorobha iri zvivakwa richiti zvaiva kunze kwemutemo uye zvaityora kodzero dzevagari ava.
VaChinopfukutwa vanotiwo zvakanga zvarongwa nekanzuru zvaisave pamutemo sezvo kanzuru iyi yakanga isina kunyorera munhu umwe neumwe aizopwanyirwa chivakwa chake.
Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Maraure, vati sangano ravo rafadzwa nekuti kanzuru yeChitungwiza yabvumawo kuti bumbiro remitemo rinofanira kutevedzwa zvizere pakatariswa nyaya yekuti kanzuru iyi yakambopwanyira vanhu zvivakwa zvavo gore rapera isingatarise zviri mubumbiro remitemo zvakazoita kuti Chitrest ikwire kumatare edzimhosva zvakazopedzisira zvaita kuti kupwanywa kwezvivakwa izvi kumiswe nedare repamusoro.
Asi VaWenyeve vati kanzuru yavo ichine hurongwa hwekupwanya zvivakwa kana yazadzisa zvose zvinodiwa nemutemo.
Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vati tigozovafonera asi vazenge vasisadaire nharembozha yavo pataenda pamhepo.
Facebook Forum