Accessibility links

Breaking News

Kanzuru dzeChitungwiza neHarare Dzoenderera Mberi Dzichiputsa Zvivakwa Zvisiri paMutemo


Harare demolitions

Makanzuru eHarare neChitungwiza nhasi aenderera mberi nekupwanyira vanhu midziyo yavo achiti zvivakwa izvi zviri kunze kwemutemo. Panguva yanga ichiitika izvi, dare repamusoro reHigh Court ranga richinzwa chikumbiro chekuti kupwanywa kwezvivakwa izvi kumiswe.

Kanzuru yeHarare ichishanda pamwechete nemapurisa nhasi yapwanya zvivakwa zvevanotengesera mumigwagwa pamwe nedzimwe nzvimbo dzinotengeserwa motokari kuMbudzi round-about ukuwo kanzuru yeChitungwiza ichipwanyawo zvimwe zvivakwa zvakadai mudhorobha iri.

Mutungamiri wesangano revanotengesera mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzai, vati sangano ravo rarwadziwa zvikuru nedanho ratorwa nekanzuru yeHarare.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio7 kuti kanzuru yavo haisi kuzoramba yakapeta maoko vanhu vachiita madiro aJojina muguta ravo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reChitungwiza Residents Trust, Muzvare Alive Kuveya, vati kanzuru yemudhorobha ravo yakabvira nezuro kupwanyira vanhu midziyo yavo.

Muzvare Kuveya vatiwo chiri kuvarwadza ndechekuti vamwe vari kupwayirwa zvivakwa zvavo ivo vachibhadhara mitero kukanzuru vachiti pari zvino havachazive chekubata sevagari.

Meya wedhorobha reChitungwiza, VaLovemore Maiko, vati zviri kuitwa izvi hazvisi kuitwa nekanzuru iri yoga vachiti chirongwa ichi chirongwa chiri kuitwa nemapazi ehurumende akawanda.

VaWadzai vakurudzira hurumende kuti itange yatarisa raramo yevanhu pakatariswa kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika kwete kuti imhanyire kutorera veruzhinji chingwa chiri pamuromo.

Panguva yanga ichipwanya zvivakwa zviri muHarare neChitungwiza, dare repamusoro iro ranga richifanira kunzwa chikumbiro cheChitrest chekuti kupwanywa kuri kuitwa zvivakwa izvi kumbomiswa rati richazonzwa chikumbiro ichi nemusi weChina.

VaTafadzwa Muguti, vanove Provincial Development Coordinator wedunhu reHarare vakaburitsa mashoko nezuro vachiti chirongwa chekupwanya zvivakwa zviri kushanda zviri kunzwe kwemutemo chichaitwa muHarare, Chitungwiza neRuwa senzira yekuchenesa dunhu reHarare.

Zvichakdai, rimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, raburitsa mashoko richikurudzira hurumende kuti isiye makanzuru aite zvisungo zvawo ega kwete kuaudza zvekuita.

Pakamboitwa chirongwa chakadai muna 2005 icho chaidaidzwa kuti Operation Murambatsvina, nhume yeUnited Nations, Amai Anna Kajumulo Tibaijuka, vakati chirongwa ichi chakasiya vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe (700 000) vasina pekugara uye zvekudya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG