Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokuridzira Vanhu Kusaputa Fodya


Hurumende yaparura neChishanu kuBinga chironga chekukurudzira kusaputwa kwefodya munyika, kuitira kuti vanhu vave nehutano hwakanaka.

Binga inzvimbo inozivikanwa zvikuru munyaya dzefodya inosanganisirawo mbanje, iyo inoputwa zvakanyanya nevagari venzvimbo iyi.

Chirongwa chekuBinga changa chichitungamirwa negurukota rinoona nezvemakambani ehurumende, uye vari nhengo yeparamende inomirira dunhu reBinga South, Va Joel Gabuza.

VaGabuza vanoti chirongwa chekukurudzira vanhu kuti vasapute fodya chafamba zvakanaka chose kuBinga.

Chirongwa ichi change chakarongwa nebazi rezvehutano. Bazi iri rinoti harisi kufara nenzira dziri kushandiswa nemakambani anogadzira pamwe nekutengesa fodya mukukwezva veruzhinji kuti vapute fodya.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kuputa fodya kana kufema mweya une hutsi hwefodya kunokonzera zvirwere zvakawanda muvanhu, zvinosanganisira zvegomarara nezvimwe zvirerwe zvinovhiringa mapapu.

Zvichakadai, gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti hurumende ichiri mushishi rekuongorora nzira dzingashandiswe kuti madzimai akazvitakura asabhadhariswe mari pavanoenda kunobatsirwa kumakiriniki nezvipatara.

Sangano re United Nations Population Fund rinoti madzimai mazana manomwe nemakumi maviri nevashanu pazana rezviuru zvemadzimai vari kurasikirwa nehupenyu pavanenge vachibatsirwa.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti zviri kuuraya madzimai anenge akazvitakura zvinhu zvinokwanisa kudzivirirwa.

XS
SM
MD
LG