Accessibility links

Breaking News

Kunyorwa kweBumbiro Idzva Koenderera Mberi Munzvimbo Dzakawanda


Chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika chaenderera mberi munyika neChitatu paine mutauro pamusoro pemhirizhonga pamwe nekusafamba zvakanaka kwechirongwa ichi mudzimwe nzvimbo.

Komiti yeparamende iri kutungamira hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva, yasangana zvechimbi chimbi muHarare ikazeya pamwe nekuongorora matambudziko ari kusangana nechirongwa chekunzwa pfungwa dzevanhu.

Mumwe wemasachigaro ekomiti iyi, VaEdward Mkhosi, vanoti komiti yavo iri kutambira mashoko ari kubva munzvimbo dzose dziri kuitwa chirongwa ichi, ayo vanga vachitarisa pamusangano wavaita.

Mumwe musangano wakaitwa muHarare neChipiri wekuongorora pamwe nekuzeya mafambiro ari kuita chirongwa chekunyorwa kwebumbiro remitemo idzva, unonzi wakawirirana kuti sangano riri kubatsira nemari reUNDP, rikasike kuburitsa mari kuitra kuti chirongwa ichi chifambire mberi zvakanaka.

Musangano uyu unonzi wakawirirana kuti hongu pane zvimhingamipinyi zvakawanda zviri kusanganikwa nazvo, asi izvi hazvingatadzisi chirongwa ichi kuti chienderere mberi. Musangano uyu unonzi wakakurukurawo nyaya dzakawanda dzinosanganisira yekuti hurumende iwedzere mari yakapiwa kuchirongwa ichi.

Mutungamiri webato idzva riri kuzvidaidza kuti MDC 99, VaJob Sikhala, vanoti masangano ekunze ari kubatsira hurumende nemari anofanira kumbomira kuipa mari sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muchirongwa ichi.

Pasi pechibvumirano chekuvaka hurumende yemushandira pamwe, Zimbabwe inofanirwa kunyora bumbiro idzva mukati memwedzi gumi nemisere kubva pakagadzwa hurumende yemushandira pamwe.

Chibvumirano chekuvaka hurumende iripo chinotiwo mushure mekunge bumbiro idzva ranyorwa, panofanirwa kuitwa referendamu yekubvunza kuti vanhu vanorambira here kana kuti kwete bumbiro rinenge ranyorwa.

XS
SM
MD
LG