Vabereki vemunharaunda dzakasiyana siyana vanoti vari kufara nemafambisirwo ari kuita chirongwa chekubaya vana nhomba, icho chakatangwa nezuro.
Chirongwa ichi, icho chichaitwa munyika yose svondo rino, ndechekubaya nhomba vana vose vari pasi pemakore mashanu, kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvinonetsa vana vadiki zvakaita semhetamakumbo negwirikwiti.
Zimbabwe inoti ichabaya nhomba vana vanosvika miriyoni imwe chete nemazana mapfumbamwe ezviuru muchirongwa ichi. Hurumende iri kushanda ichibatsirwa nemasangano akaita se UNICEF, Center For Diseases Control yemu America, Red Cross nemamwe masangano anobatsira munyaya dzehutano pasi rose.
Gore rega rega, hurumende inopinda muhurongwa hwekubaya vana nhomba pasina muripo unobviswa nevabereki.
Mumwe mubereki ari kwaMutare, amai Bessie Chari, vanoti nhasi vanhu vanga vakazara mumakiriniki nemuzvipatara vachibaisa vana vavo nhomba.
Vamwe vabereki vemuGokwe mudunhu reMidlands vanoti vari kutarisira kuti chirongwa ichi chichati nonokeyi kutanga munharaunda yavo sezvo vatotanga kunzwa nezvacho nhasi masikati apo vawana ma text messages pambozha nhare dzavo achivaudza nezve chirongwa ichi.
Mumwe mugari wemugokwe, va george moyo, vaudza Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio Seven kuti vachaudza mudzimai wavo nezve chirongwa ichi pavanodzokera kumba pavachapedza basa nhasi manheru.