Accessibility links

Breaking News

Chipatara cheParirenyatwa Choita Dambudziko Remagetsi


Vakuru vechipatara varamba kutaura zviri pachena. Hakasi kekutanga parirenyatwa ichishaya magetsi gore rino. Gurukota rezvehutano, Va Henry Madzorera, vanoti vachiri kumirira kunzwa kubva kuchipatara ichi kuti zvinhu zvamira sei pari zvino

Chipatara cheParirenyatwa chava nemazuva mana chisina magetsi izvo zvinonzi zviri kukanganisa nyaya dzekurapwa kwevarwere pachipatara ichi.

Vamwe vana chiremba vari kunyunyuta kuti kushaikwa kwemagesti kuri kukanganisa basa ravo, zvikuru kuitwa kwema operations kune vari kuda kurapwa chimbi chimbi nekuti magetsi ari emagenareta, ane moto mushoma.

Vakuru vechipatara varamba kutaura zviri pachena. Hakasi kekutanga parirenyatwa ichishaya magetsi gore rino. Gurukota rezvehutano, Va Henry Madzorera, vanoti vachiri kumirira kunzwa kubva kuchipatara ichi kuti zvinhu zvamira sei pari zvino.

Zvichakadaro, bazi re Department of International Development remu Britain, DFID, rinoti raisa mari inodarika mamiriyoni matatu nemazana mashanu ezviuru zvemadhora ichashandiswa mukubatsira zvipatara zvinomwe munyika zvanga zvashatisisa.

Izvi zvataurwa nemukuru we DFID mu Zimbabwe, Va Dave Fish, apo vanga vari ku Mpilo Hospital kuBulawayo nhasi.

Dr Douglas Gwatidzo ndivo mukuru we Zimbabwe Doctors for Human Rights. Vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe inotoda rubatsiro kubva kune dzimwe nyika dzakabudirira nemasangano makuru kuti imutse nyaya dzehutano munyika.

XS
SM
MD
LG