Accessibility links

Breaking News

Mhemberero Dzaitirwa kuChinhoyi Dzinotsamwisa Vamwe muZanu PF


Zimbabwe's President Emmerson Mnangagwa speaks during the Extraordinary Congress of the ruling ZANU-PF party in Harare, Zimbabwe, Dec. 15,2017.
Zimbabwe's President Emmerson Mnangagwa speaks during the Extraordinary Congress of the ruling ZANU-PF party in Harare, Zimbabwe, Dec. 15,2017.

Mhemberero dzekuzvitonga kuzere muChinhoyi dzaitwa zvine mutsauko rwendo rwuno sezvo nhengo dzebato rinopikisa reMDC-T dzanga dziri kunhandare.

Nhengo yeparamende yebato reMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaGift Chimanikire, imwe yenhengo dzebato iri dzanga dziri munhandare.

VaChimanikire vati vafunga kuzopemberera zuva ranhasi vari muChinhoyi nekuti vakambogara nekushanda muChinhoyi kwenguva yakareba hondo yerusununguko isati yapera.

VaChimanikire vati vafadzwa nehurongwa hwanhasi sezvo huine mafungiro matsva ekutora zuva ranhasi sere munhu wese.

Murongi wemhemberero idzi, Amai Cecilia Chitiyo, vati vakaronga zuva ranhasi vasingatarise zvemapato ematongerwo enyika.

Amai Chitiyo vati vacharamba vachiita kuti mhemberero idzi dzipindwe nemunhu wese.

Zvichakadaro nhengo dzabato reZanu PF hadzina kufara nekurongwa kwanhasi vachiti nhengo dzavo dzinosanganisira sachigaro wavo, VaZiyambi Ziyambi, dzarambidzwa kugara patafura yepamusoro, sezvo yanga iri yemauto

Nhengo idzi dzabva dzaramwa mabiko ayitirwa paChinhoyi University of Technologyapo vabuda munhandare mushure mekutaura kwegurukota rezvematunhu, VaWebster Shamu.

VaChimakire, avo vanga vakagara pedyo naVaZiyambi, vati VaZiyambi segurukota guru rehurumende vangadai vagara patafura yepamusoro.

Asi VaZiyambi vati havana basa nepavagadzwa vachiti zvakanaka kugara muvanhu umo vanonzwa zvakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG