Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobatsira Varimi neMari yeKutenga Mbeu neFotereza


VaJoseph Made (L) naVa Patrick Chinamasa (R)
VaJoseph Made (L) naVa Patrick Chinamasa (R)
Hurumende inoti mwaka uno ichashandisa mari inoita madhora mamiriyoni zana nemakumi matanhatu nechidimbu mukubatsira varimi vekumaruwa, vekumatenga nyika pamwe nevemumapurazi madiki. Mari iyi ichashandiswa mukutenga mbeu, fotireza nezvipfuwo.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neChitatu, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vati izvi zvakabvumiramwa mudare remakurukota neChipiri uye chirongwa ichi chichabatsira mhuri miriyoni imwe nemazana matanhatu ezvuiru munyika yese.

Vati pasi pechirongwa ichi mhuri imwe neimwe ichapihwa fotireza, mbeu yechibabge, mapfunde nezvimwe zvirimwa pamwe nezvimwe zvinoshandiswa pakurima.

Vatiwo mhuri dziri munzvimbo dzinopisa dzinogona kupihwa mombe, mbudzi kana zvimwe zvipfuyo pamwe nemishonga inoshandiswa pakuchengeta zvipfuyo izvi.

Vati pasi pechirongwa ichi hurumende ichabhadhara chikwereti chayo kumakambani anogadzira fotireza nembeu icho chiri pamadhora angangosvika pamamiriyoni gumi nemaviri emadhora.

Vatiwo hurumende ichabhadhara mamiriyoni mapfumbamwe kuvarimi vakaendesa chibage chavo kukambani yeGrain Marketing Board.

Vati kusvika Chishanu svondo rino mari idzi dzinenge dzabhadharwa uye hurumende inenge isisina chikwereti kuvarimi kana makambani anogadzira fotireza kana mbeu.
Vati munyika mune mbeu yakakwana asi hamuna fotireza yakakwana. Vatiwo kuti varimi vese vawane fotireza inovakwanira, nyika ichatongenga fotereza iyi kubva kunze kwenyika.

Vati hurumende ichapa makambani efotireza madhora mamiriyoni makumi mana nemadhora mamiriyoni gumi kumakambani embeu kuitira kuti agadzire fotireza nembeu inodiwa nehurumende pachirongwa chayo chekutsigira varimi mumwaka wekurima.

Vatiwo makambani akazvimiririra ari kutsigira hurumende pachirongwa ichi uye ari kubatsira nemadhora mamiriyoni zana nemakumi maviri.

VaChinamasa vatiwo pamusoro pechirongwa chehurumende, sangano reFood and Agriculture Organization richatsigira dzimwe mhuri makumi masere ezviuru nembeu nefortireza zvinokosha mamiriyoni gumi nemapfumbamwe emadhora.

Vaenderera mberi vachiti hurumende iri kuita hurukuro nevemabhanga kuti vatsigire varimi vemumapurazi makuru.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vatiwo gore rino ndorekupedzisira kuti hurumende ibatsire varimi nembeu nefotireza vachiti hurumende ichazenge yave kutsigira makambani anogadzira mbeu nefotireza kuti zvive nemitengo yakaderera inokwaniswa nevarimi vese.

Vatiwo hurumende yave kukurudzira varimi kushandisa michina pamwe nekukurudzira mabasa ekudiridzira kuitira kuti varimi vawedzere goho ravo.

Hurumende yange iri kutsigira varimi nembeu, fotireza, matirakika nezvimwe kwemakore akati kuti asi hapana chiri kubuda sezvo zvinhu izvi zvisiri kushandiswa nemazvo.

Zvimwe zvacho zvinenge zvapihwa varimi nehurumende zviri kutengeswa pamusika mutema kana kunze kwenyika izvo zviri kuita kuti Zimbabwe irambe ichitenga chikafu kunze kwenyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG