Accessibility links

Breaking News

China Inoti Hapana Chizvarwa cheZimbabwe Chati Chabatwa neCoronavirus


Corona Virus
Corona Virus

China inoti hapana zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuChina kusanganisira zvri kudzidza kunyika zvati zvabatwa neCoronavirus.

China inotiwo iri kutora matanho kuitira kuti Zimbabwe isaite munhu anobatwa neCoronavirus.

Vachitaura mushure memusangano wavaita negurukota rezveutano, VaObadiah Moyo, mutevedzeri wemumiriri weChina muZimbabwe, VaZhao Baogang, vati pari zvino havasati vawana shoko rekuti pane zvizvarwa zveZimbabwe zvawirwa netsaona yeCoronavirus iyi.

VaBaogong vati nyika yavo iri kuita zvese zvaingagona kuchengetedza veruzhinji vari munyika yavo.

VaBaogang vatiwo mukuedza kuona kuti chirwere cheCoronavirus hachisviki muZinbabwe, vari kukurudzira zvizvarwa zvekunyika yavo kuti zvimbomira kushanyira Zimbabwe. Vatiwo vanenge vauya vari kuvachengetedzwa kwemazuva gumi nemana kuti vasasangana neveruzhinji.

VaMoyo vatenda zvikuru matanho ari kutorwa neChina mukuedza kudzivirira kuti Coronavirus isapinde muZimbabwe.

VaMoyo vati vari kuwana rubatsiro rwakawanda vakatiwo China yazvipirawo kubatsira Zimbabwe kugadzirisa nzvimbo dzakatarwa kuti vanenge vabatwa nechirwere ichi, vachengeterwe.

Kusvika pari nhasi, vanhu vanosvika mazana matanhatu varasikirwa nehupenyu nekuda kweCoronavirus, uye vanhu vanosvika zviuru makumi maviri nezvina vakabatwa nechirwere ichi kubva zvachaputika muChina gore rapera.

Mubati wehomwe musangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Doctors for Human Rights, Doctor Norman Matara, vaudza Studio7 parunhare kuti zvakakosha kana China ichigadzirira kubatsira Zimbabwe sezvo isina kumira zvakanaka munyaya dzezvehutano.

VaMoyo vazivisawo kuti hapana munhu ati abatwa nechirwere ichi mZimbabwe kunyange hazvo vanhu vanodarika mazana manomwe vari kuongororwa kana vakabatwa nechirwere ichi.

VaMoyo vatiwo vari kukurudzira veruzhinji kuti vambomira kuenda kuChina pamwe nekune dzimwe nyika dzakatapurirwa chirwere ichi.

Dzimwe dzenyika dzave neCoronavirus dzinosanganisira Malaysia, France, Canada, Belgium, Malaysia, America, Germany, Britain Japan nedzimwewo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG