Accessibility links

Breaking News

China Inopa Mari Ichabatsira veMabhizimusi Madiki Munyika


Asi vamwe vemabhizimusi madiki ava vanoti mari idzi hadzisi kusvika kwavari.

Bhanga reChina Development Bank Corporation, kuburikidza nerimwe rarinodyidzana naro muZimbabwe reInfrastructure Development Bank of Zimbabwe, rinonzi raisa parutivi mari inoita mamiriyoni makumi matatu, iyo ichakwereteswa vemabhizimusi epasi pamwe neari kusimukira ari munyika.

Vachakwanisa kukwereta mari iyi vanenge vachizoidzosa yabereka zvikamu gumi kubva muzana zvemari yavanenge vakwereta.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, mumiriri weChina muZimbabwe, VaXin Shunkang vakati chirongwa ichi chimwe chezvirongwa zvakawanda zvenyika yavo zvaichabatsira nazvo makambani madiki enyika dzemuAfrica.

Gurukota rezvemabhizimusi madiki, Amai Sithembiso Nyoni vaudza Studio 7 kuti bazi ravo rave kutokoka vemabhizimusi madiki vanoda kukwereta mari idzi kuti vanyorere.

Asi mumwe muzvinabhizimusi achiri kusimukira asina kuda kudomwa nezita rake ati mari idzi veruzhinji vanongodziona mumapepa, asi vasingazokwanisi kudziwana nekuda kwezvinodiwa nevemabhanga.

Nyanzvi mune zveupfumi, uye vachishanda neLabour and Economic Develpoment Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara vatsinhirawo zviri kuchemwa nevamwe vanamuzvinabhizimusi vadiki ava.

XS
SM
MD
LG