Accessibility links

Breaking News

Vagari Votsika Madziro kuChilonga, Chiredzi Vachiti Havasi Kuzobva Munzvimbo Iyi


Le vice-président du Zimbabwe Constantino Chiwenga à Harare, le 14 aout 2018
Le vice-président du Zimbabwe Constantino Chiwenga à Harare, le 14 aout 2018

Hurongwa hwehurumende hwekuda kugarisa patsva vanhu vekuChiredzi hwokonzera mutauro mukuru vagari veko vachiti havasi kuzobva munzvimbo dzavo idzo hurumende inoti yakapa kambani yeDendiary kuitira kuti irime sora remombe dzemukaka dzekambani iyi

Hurumende yakazivisa mugwaro rayo reGovernment Gazette nemusi weChishanu chapfuura kuti vanhu vanogara kuChilonga muWard 6 neWard 8 vanofanira kubva munzvimbo idzi kuitira kuti minda yavo ishandiswe seminda yekurima sora remombe nekambani yeDendiary.

Asi vagari vemunzvimbo iyi havasi kufara nedanho rehurumende uye vari kupikisia izvi.

Mumwe mugari wemunzvimbo, VaLingistone Chikutu, vanoti hurumende haina kunzwa pfungwa dzavo isati yatora danho iri.

VaChikutu vanoti chinosuwisa ndechekuti mumiriri wavo muNational Assembly, VaDenford Masiya veZanu PF, vari kutotyityidzirwa nehurumende panyaya iyi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reMasvingo Centre for Research Advocacy Development, VaEphraim Mthombeni, vaudza Studio7 kuti vari kushushikana nezviri kutika kuChilonga kuChiredzi uye sangano ravo rave kushanda nevagari venzvimbo iyi kuitira kumisa hurumende pane zvairi kuronga kuita.

VaMthombeni vanoti nyaya iyi yasvitswa kumagweta anorwira kodzero dzevanhu, eZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Mutauriri weZimbabwe Lawyer for HumanRights, VaKumbirai Mafumba, vaudza Studio7 kuti iyi nyaya yave mumaoko emagweta avo.

VaMafunda vanoti magweta avo akatomboenda kuChilonga kubvira pakatanga nyaya iyi gore rapera.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantine Chiwenga, pamwe negurukota negurukota rematunhu, VaJuly Moyo, negurukota reMasvingo, VaEzra Chadzamira, vakatomboenda kuChilonga vachikurudzira vagari veko kuti vasuduruke kuitira kuti paitwe mabasa ebudiriro.

VaChadzamira vanoti hurumende nekambani iyi vachabatsira vanhu vachabviswa paminda yavo.

Studio7 haina kunzwa kuna VaMoyo kanawo VaChiwenga.

Asi mushandi mukuru mubazi rezvekurburitwa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio7 kuti bato ravo rinotsigira mabasa ebudiriro zvisinei nekuti ari kuitwa munzvimbo ipi.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatwasyo, vanoti zvinosuwisa kuti hurumende iri kuronga kudzinga vanhu pekugara asi isina kuvapa kwekuenda.

Kambani yeDendairy yakavambwa nemhuri yekwaCoetzee muna 2004, pamwe neimwe kambani yekuEurope, Spear Capital, iine zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 27% zvehupfumi muDendairy, iyo yakatanga kushandira kuRedcliff.

Gore rapera, Dendiary yaive muhurukuro dzekubatana nekambani yeDairibord Holidings Limited, uye hurukuro idzi dzinonzi dzichiri kuenderera mberi.

Vakuru vakuru muDendairy vanosanganisira VaAndrew Bradnick, VaDarren Coetzee, Amai Cherly Coeztee naDarly Archibald.

Sangano ravana chipangamazano munyaya dzekutevedzwa kwemitemo, reVeritas, rinoti pane zvakawanda zviri kutadza kuzadziswa nehurumende isati yabvisa vanhu vekuChiredzi ava, kusanganisirawo zvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika pakutamiswa kwevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG