Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anonzi Atadzisa Vagari vekuChilonga Kuratidzira


FILE - Police arrest a health worker during a protest against economic hardship and poor working conditions during the coronavirus disease (COVID-19) outbreak in Harare, Zimbabwe, July 6, 2020.

Mapurisa ange negurukota reMasvingo, VaEzra Chadzamira, nhasi arambidza vagari vekuChilonga kuratidzira kusafara kwavo nehurongwa hwehurumende hwekuda kuvabvisa munzvimbo iyi kuitira kuti minda yavo ishandiwe semafuro emombe dzemukaka dzekambani yeDendiary.

Vagari ava vange vachipfuura mazana maviri vanga vatanga kuimba
vachiramba neivhu ravo pasvika VaChadzamira pazvitoro zvepaMutomani.

Mumwe mugari wekuChilonga,VaBornface Chidowera, vati kuratidzira kwavo kwamiswa nemapurisa vachangotanga.

Izvi zvatsinhirwa naSabhuku Vheremu vekuChilonga, VaLuckson Mavasa,
avo vati kuratidzira kwavo kwamiswa. Vatiwo vaita musangano uyo usina kubuda zvakanaka sezvo vanhu vanga vachipikisana nevamiriri vehurumende.

VaChadzamira vati hapana ratidziro yaitika kana kurambidzwa vanhu,
asi vaita musangano wavo zvakanaka nevagari wekunzwa pfungwa dzevanhu pachirongwa ichi chirikuda kuitwa nehurumende.

Asi mumwe mugari, Amai Esther Munghomi, vati ratidiziro yaitika
kwenguva diki uye musangano hauna kubuda zvakanaka sezvo ivo
varambidzwa kutaura mushure mekuramba chirongwa ichi.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vaudza
Studio 7 parunhare kuti vanga vasati vanzwa mashoko ekuti mapurisa
arambidza vanhu kuratidzira kuChilonga.

Hurumende iri kuti haichadi kudzinga vanhu kuChilonga asi vanovafanira
kugarisana nekambani yeDendairy ichapinda munzvimbo mavo yovaitira
budiriro yemadiridziro vowanawo chouviri.

Asi vagari vekuChilonga vari kuramba vachiti kambani iyi ikange yauya
inozopedzisira yavadzinga nekudaro vari kuda kubatwa kumeso
nehurumende.

Kambani yeDendairy yakavambwa nemhuri yekwaCoetzee muna 2004, pamwe neimwe kambani yekuEurope, Spear Capital, iine zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 27% zvehupfumi muDendairy, iyo yakatanga kushandira kuRedcliff mudunhu reMidlands.

Vakuru vakuru muDendairy vanosanganisira VaAndrew Bradnick, VaNeville Coetzee, Amai Cherly Coeztee naDarly Archibald.

VaCoetzee vanonzi murimi wechichena anowirirana zvikuru
nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG