Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vana Votadza Kuenda Kunodzidza Sezvo Vasina Magwaro Anodiwa kuSouth Africa


Zimbabweans rally against recent anti-immigrant violence in South Africa, outside the South African embassy in Harare, April 17, 2015.
Zimbabweans rally against recent anti-immigrant violence in South Africa, outside the South African embassy in Harare, April 17, 2015.

Vana vakawanda vezvizvarwa zveZimbabwe vari kudzidza muSouth Africa vatadza kuenda kuchikoro pazvavhurwa muSouth Africa sezvo vana ava vasina magwaro edzidzo, kana kuti study permits.

Vamwe vabereki vataura neStudio7 vanoti havana kukwanisa kuwana magwaro aya nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kushaya mari yaidiwa kubhadharira magwaro aya, pamwe nekutadza kuwana matsamba ekumabhanga.

Mutemo wakatanga kushanda mwedzi uno unobata vapoteri unosungira kuti mwana wega wega ange aine magwaro anoratidza pamire hutano hwake, uye kuti abhadhare chiuru nemazana maviri emarhanzi.

Zviri kudiwa izvi zvasiya mumwe mubereki, VaRushworth Chifamba, vachinetsekana zvikuru neremangwana revana vavo sezvo vari kukundikana kuwana zvinodiwa pamutemo.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinobva kuMasvingo uyewo vaine vazukuru vatatu kusnganisira vaviri vakaremara, Amai Ottilia Muyangwa, vanoti vapererwa nezano nezviri kudiwa nehurumende yeSouth Africa.

Amai Muyangwa vanoti zvikoro zvemuSouth Africa zvinoti zvinoda mastudy permits aya, kunyange hazvo vazukuru vavo vakazvarirwa muSouth Africa.

Muzvare Sdumisile Ndhlovu, avo vane vana vaviri vari kuita zvidzidzo zveSecondary, vatadzawo kuendesa vana vavo kuzvikoro asi vakurudzira hurumende ye South Africa, kuti irerutsa mutemo wemagwaro edzidzo.

Mumwe mubereki, Amai Martha Takedza, vanoti dambudziko rekushaikwa kwemagwaro aya riri kuvashungurudza zvikuru sezvo vave kutyira kuti mwana wavo anozopedzisira ave kusvuta zvinodhaka sezvo anenge asingaendi kuchikoro.

Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, vanoti havana ruzivo rwekuti kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakatarisana nematambudziko aya.

VaHamadziripi vakurudzira mhuri yeZimbabwe iri muSouth Africa kuti izivise muzinda wavo nezvematambudziko avakatarisana nawo kuitira kuti ivo nehurumende yeSouth Africa vaite muonera pamwe.

Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Exemption Permits, kana kuti ZEP, rinoti kune nhengo dzesangano iri dzinosvika kana kupfuura chiuru nemazana maviri, mudunhu reGauteng chete dziri kunetseka kuwana magwaro aya.

Imwe nhengo yepamusoro musangano iri, iyo yaramba kudomwa nezita, inoti sangano reZEP rakatokwidza nyaya iyi kudare repamusoro richipikisa danho rakatorwa neSouth Africa

Nhengo iyi, inoti ZEP irikuda kuti dare reHigh Court, rimanikidze bazi rezvemunyika yeSouth Africa, kuti ripe magwaro aya pasina mitemo yakaomarara.

Studio7 haina kuwana mhinduro kumibvunzo yatakatumira kumutauriri webazi rezvemukati meSouth Africa, VaDavid Hlabane, kanawo kudivi rezvedzidzo muSouth Africa.

Kune zvizvarwa zveZimbabwe zvinofungidzirwa kuti zvinopfuura mamirioni matatu zvinogara muSouth Africa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG