Accessibility links

Breaking News

Chikwata Chiri Kutungamira Kunyorwa kweBumbiro Idzva Chosangana


Chikwata chiri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika chiri kutarisirwa kusangana neChipiri kuti chibude newirirano pahuwandu hwevanhu vachange vachinyora pfungwa dzinobva muvanhu.

Pane kusawirirana pahuwandu hwevanhu vanofanirwa kuita basa iri, sezvo vamwe vari kuda kuti bato roga-roga rimirirwe nevanhu makumi manomwe, izvo zvinozoreva kuti panenge pava nevanhu mazana maviri negumi.

Vamwewo vanonzi vanga vaine pfungwa dzekuti dai basa iri rapiwa kuvarairidzi, sezvo varairidzi nevamwe vashandi vehurumende, vari vanhu vanogara vakabatsira zvirongwa zvehurumende.

Vamwewo vanoti mapato ari muhurumende haafanirwe kunge achitumira vanhu vavo kunonyora zvinobva muvanhu, sezvo vari kuonekwa kuti vari kutungamidza zvido zvavo nguva dzose, veruzhinji vasina anovamirira.

Gurukota rezvebumbiro remitemo pamwe nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vaudza Studio7 kuti musangano uyu uchatarisawo zvakare nyaya yezvikwata zvichapinda muvanhu kuti zvinzwe pfungwa dzavo.

XS
SM
MD
LG