Accessibility links

Chikwata Chenhabvu CheMadzimai ChemaMighty Warriors Chokunda Malawi 8-2 Pamberi Pa Preside VeFIFA va Sepp Blatter

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Chikwata che Mighty Warriors chakunda chikwata cheMalawi 8-2 pamutambo weCosafa Women’s Tournament watambirwa kuRufaro stadium nhasi masikati.

Chikwata che Mighty Warriors chakunda chikwata cheMalawi 8-2 pamutambo weCosafa Women’s Tournament watambirwa kuRufaro stadium nhasi masikati.

Mutungamiri we FIFA, va Sepp Blatter, vaona Zimbabwe ichikwatura Malawi.

VaBlatter vari kushanya munyika kwemazuva maviri.

Veruzhinji vanotsigira nhabvu vari kufara nekushanya kwavaBlatter, avo vaparura Rufaro Stadium zvichitevera kuiswa kwayo gore rapera, artificial turf pasi pechirongwa chakatsigirwa nesangano ravo.

Vablatter vasanganawo nemutungamiri wenyika, va Robert Mugabe, vakashanyirawo kuZIFA village uko kurikutarisirwa kuti kuzogara zvikwata zvemunyika nezvinoshanya kana kuchinge kwapera kugadzirwa. FIFA irikutsigirawo kuvakwa kweZIFA village iri kuMount Hampden.

VaBlatter varikutarisirwa kuitirwa mabiko nhasi manheru muHarare, ari kutarisirwa kuendwa

Maneja we chikwata cheZimbabwe under 23, va Wellington Mpandare, vanoti kushanya kwaVaBlatter kuchabatsira kusimudzira mutambo wenhabvu munyika sezvo pasi rose rakatarisa kufamba kuri kuita mukuru mukuru uyu wenhabvu munyika.

XS
SM
MD
LG