Accessibility links

Breaking News

Kiglon Yofunga Kubuda muPremier Soccer League neNyaya yeMari


Chikwata cheKiglon chinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvekuti chikashaya mari, chichatadza kupinda mumakwikwi emumitambo yePremier Soccer League.

Kiglon inoti yavakumirira kuti inzwe kana, PSL, iine rutsigiro rwemari mwaka uno, kuitira kuti izive remangwana rayo mumakwikwi aya.

Kiglon inoti kana PSL isina rutsigiro rwemari mwaka uno, ichamira kutamba nhabvu, sezvo isinawo mari.

Kiglon inoti inoda mari inosvika mazana maviri nemakumi mashanu ezviuru zvemadhora kuitira kuti ienderere mberi nemitambo yayo gore rino.

Kiglon yakabva muDivision One ichienda kuPremier Soccer League makore maviri apfuura.

XS
SM
MD
LG