Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yokweshana neBafana Bafana neChitatu


Chikwata chenhabvu cheZimbabwe Warriors chasvika muSouth Africa neMuvhuro manheru.

Chikwata ichi chine mutambo wehushamwari nechikwata chemu South Africa che Bafana Bafana. Zvikwata zviviri izvi zvichatamba nechitatu munhandare yeMoses Madhida.

Maneja wechikwata cheZimbabwe Warriors, VaShariff Mussa, vanoti chikwata chavo chine tarisiro yekutamba zvakanaka sezvo chine vatambi vane hunyanzvi hwepamusoro.

Chikwata cheBafana Bafana chinoti chiri kushandisa mutambo wacho neZimbabwe segadziriro yemitambo yacho ye World Cup 2010.

Makwikwi aya ari kuitirwa muSouth Africa makare, uye makwikwi aya ndeekutanga kuitirwa muAfrica.

Mukuru anoona nezvemakwikwi muZifa, VaJonathan Musavengana, vanoti vari kufadzwa zvikuru negadziriro yakaitwa nechikwata chavo zvokuti Bafana Bafana ichaoneswa ndondo iri pamba payo nema Warriors.

XS
SM
MD
LG