Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Inokunda Malaysia


ZIFA inoti iri kushandisa mitambo yekuedzana simba iyi kugadzirira vakomana vemaWarriors kuti vazobudirire mumitambo yeAfrican Nations Championships.

Chikwata chenhabvu chemaWarriors neChina chakakunda chikwata che Malaysia 3 - 0 pamutambo wekuyedzana simba wakatambirwa muKuala Lumpur guta guru reMalaysia.

Nyasha Mushekwi weCaps United ndiye akanwisa zvibodzwa zvese zvitatu pamutambo uyu. Mushekwi ndiye mutambi akanwisa zvibodzwa zvakawanda mumakwikwi e2009 Soccer Star Of The Year akaitwa mu Harare mavhiki maviri apfura.

Mushekwi akaphihwa mari inosvika $2 000 pakutora kwaakaita mukombe uyu pamusoro pezvo akadomwa pavatambi gumi nerimwe vakatamba zvinodadisa muna2009.

Dzimwe nyika nyika dziri mumutambo uyu dzinosanganisira Thailand, Syria ne Kazhakistan. VaJonathan Musavengana ndivo Competitions Manager wesangano reZIFA.VaMusangavena vanoti vari kufara nematambiro ari kuita chikwata cheZimbabwe.

XS
SM
MD
LG