Accessibility links

Breaking News

Ivory Coast Inobuda muMakwikwi eWorld Cup


Ivory Coast's Didier Drogba, left, greets Portugal's Ricardo Carvalho at the end of the World Cup group G soccer match between Ivory Coast and Portugal at Nelson Mandela Bay Stadium in Port Elizabeth, South Africa, Tuesday, June 15, 2010. The game ended

Mumakwikwi e2010 FIFA World Cup mumutambo we Group “G ” Brazil yaita mangange 0-0 ne Portugal. Brazil yakwanisa kuwana mapoinzi nemanonwe ichiteverwa nePortugal ine mapoinzi mashanu.

Mune mumwe mutambo we Group G, Ivory Coast yakunda North Korea 3-0. Asi Ivory Coast neNorth Korea dzabuda mumakwikwi aya.

Portugal neBrazil dzapinda muchikamu chechipiri umo muchange muine zvikwata gumi nezvitanhatu.

Mutsigiri wenhabvu, Va Richard Soko, vanoti havasi kufara nekubuda kweIvory Coast asi vari kutarisira kuti Ghana ichatamba zvakanaka neMugovera apo vachatamba neAmerica.

Ghana inofanirwa kukunda pamutambo uyu kuti ipinde muchikamu chechitatu, kana kuti quarter finals.

XS
SM
MD
LG