Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheHighlanders Chowana Rubatsiro rweUS$80 000.


Sachigaro vechikwata cheHighlanders, VaThemba Ndhlela, vanoti vari kufara zvikuru nekuwana rutsigiro rwemari inosvika zviuru makumi masere zvemadhora eku America, kubva kukambani yeProperty Facilities.

Kambani iyi ichapa Highlanders rutsigiro rwemari iyi gore rega rega kwemakore matatu anotevera.

VaNdhlela vanoti mari iyi ichabatsira zvikuru chikwata chavo kuti chikwanise kuchengetedza vatambi vacho kuitira kuti vasatengwe nezvimwe zvikwata.

VaNdhlela vanoti rutsigiro urwu rwuchavabatsira zvakare kuti vatambe vavo vatambe nemazvo kuitira kuti chikwata chavo chitore mukombe wePremier Soccer League gore rino.

XS
SM
MD
LG