Accessibility links

Breaking News

Gunners Yogadzirira Makwikwi eNhabvu muAfrica


Chikwata cheGunners chinoti gadziriro yacho yemakwikwi eConfederation of African Football (CAF) Champions League iri kuenderera mberi zvakanaka.

Gunners iri kutanga mutambo wayo mumakwikwi aya nechikwata che Mafunzo cheku Zanzibar mwedzi unouya.

Sachigaro vechikwata cheGunners, VaTeddy Kasaira, vanoti vatambi veGunners vari kugadzirira zvakasimba, kunyange hazvo vaimbove murairidzi wechikwata ichi, VaMoses Chunga, vakasiya basa munguva yegadziriro yemakwikwi aya.

VaKasaira vanoti gadziriro yavari kuita iri kufamba zvakanaka asi vari kutsvaga rubastiro kubva kune vemabhizimisi pamwe nehurumende kuitira kuti vakwanise kubatsirikana pavachatanga makwikwi eCAF.

XS
SM
MD
LG