Accessibility links

Breaking News

Gunners Inokundwa 2-0 neAl Ahly muCairo ku Egypt


Chikwata cheGunners chakundwa nechikwata cheAl Ahly 2-0 pamutambo weConfederation of African Football (CAF) Champions League watambirwa kunhandare yeCairo Stadium neChishanu manheru.

Vatsigiri vechikwata cheGunners vanoti vange vakatarisira kuti chikwata chavo chikunde Al Ahly asi zvaramba.

Vatsigiri ava vanoti Gunners, iyo yabuda mumakwikwi aya, yatamba zvinofadza kunyange hazvo yakundwa pamutambo uyu.

Gunners yakakunda chikwata che Al Ahly 1-0 pamutambo wekutanga wakatambirwa kunhandare yeRufaro masvondo maviri apfuura.

Mumwe mustigiri weGunners ari kuEgypt, VaJames Namauka, vanoti vane tarisiro yekuti chikwata chavo chichayedza kusunga dzisimbe sezvo chatamba zvakanaka pamutambo wacho ne Al Ahly.

XS
SM
MD
LG