Accessibility links

Breaking News

Madzimambo Okurudzira Kuremekedzwa kweNzvimbo Dzinoyera


Zimbabwe-traditional-chiefs-
Zimbabwe-traditional-chiefs-

Madzimambo emudunhu reMashonaland West anoti vashandi vebazi rezveminda pamwe nevedzisvondo vari kutyora mirairo yemadziteteguru nekusaremekedza nzvimbo dzinoera izvo zvave kukanganisa magariro akanaka evanhu mudunhu ravo.

Madzimambo emudunhu reMashonaland West anoti vashandi vebazi rezveminda pamwe nevedzisvondo vari kutyora mirairo yemadziteteguru nekusaremekedza nzvimbo dzinoera izvo zvave kukanganisa magariro akanaka evanhu mudunhu ravo.

Vachitaura pakupera kwesvondo rekucherechedza magariro evanhu nekushanyirwa pasi pechirongwa che Cultural Tourism Week nemusi weSvondo, Mambo Nemakonde vanoti pave nekusagadzikana kwemhuri, kubhinywa kwevana vasikana vasati vabve zera kwakanyanya, pamwe nekusanaya kwemvura zvakanaka izvo vanoti zviri kukonzerwa nevanhu zvikuru sei vedzisvondo dzechipositori nevashandi vebazi rezveminda avo vasisaremekedzi nzvimbo dzinoyereswa.

Mambo Nemakonde vanoti vashandi vebazi reminda vanongogovera vanhu minda vasingakoshese kuti iri panzvimbo dzinoera here kana kuti kwete.

Mambo Nemakonde vanoti vedzisvondo ndivo vevamwe vanopinda mumakomo anoyera vachinamata zvinopesana netsika dzechivanhu.

Asi mumwe munamati wechechi yechipositori yeChishanu, VaEdwin Tsvakayi, vanoti madzimambo anofanirwa kuziva kuti zvinhu zviri kushanduka chinamato chiri kutsiva kunamatwa kwemidzimu.

Vanoona nezvekushanyirwa mudunhu reMakonde, VaSamanga Takura, vanoti nzvimbo yeChinhoyi Caves yave kushanyirwa nevanhu vashoma zvichienzaniswa nenguva yakare.

VaTakura vanoti kushomeka kwevashanyi kuri kukonzerwa nekubviswa kwakaitwa Chinhoyi Caves panzvimbo dzekushanyirwa dzepasi rose UNESCO International Heritage sites makore mashanu akapfuura.

VaTakura vanoti pane nzvimbo dzinemapopoma nerusvingo dzakawanikwa mumatunhu eHurungwe neZvimba idzo dzingangounza mari kana dzikashambadzirwa zvakanaka.

Veruzhinji vakasvika panzvimbo yekushambadzirwa iyi munzvimbo yekutandarira yeguta reChinhoyi vakafarira musika wekutengesa mishonga yechivanhu yemhando dzakasiyana siyana.

Muzvare Fiona Mlilo vanoti vanhu vakawanda vari kuuya vachida mishonga yeBlood Pressure, Diabetics pamwe neyekusimbisa pabonde.

Vanhu vanodarika chiuru vanonzi vakabvakachira nzvimbo iyi pamazuva mashanu.

Madzimambo Okurudzira Kuremekedzwa kweNzvimbo Dzinoyera
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG