Accessibility links

Breaking News

Chibvumirano cheChina neZimbabwe Chekuvaka Chikoro cheMauto Choitisa Mutauro


Vana Sorojena vaye varere muhapwa dzemakomo havana havo kunge vanyanyopotsa paye pavakati hazvibatsire kuti munhu ayeuke bako mvura yanaya.

NeChina vamwe muhurumende vava kuzviona kuti chibvumirano chavakanyorerana neChina chekuvaka chikoro chepamusoro soro chemauto munyika, hachisi kuzobatsira nyika zvakanyanya, kunze kwekubatsira China nevashoma muZanu-PF.

Chikoro ichi chichadya mari inosvika mamiriyoni makumi mapfumbamwe nemasere emadhora, iyo ichapihwa Zimbabwe neChina sechikwereti. Asi China haisi kuzobvisa kobiri zvaro remari yayo pakuvakwa kwechikoro ichi.

Mari ichange ichishandiswa mukuvaka chikoro ichi, imari ichange ichibva mumari inenge yatengeswa mangoda nekambani yekuChina inonzi Anhui Foreign Economic Construction Corporation, iyo iri kuita mushandira pamwe nehurumende yeZimbabwe, mukabani inonzi Anjin.

Izvi zvinoreva kuti mari yechikamu cheZimbabwe muAnjin, ndiyo ichashandiswa mukubhadhara chikwereti ichi.

Zimbabwe ichange ichibhadhara mari iyi kwemakore makumi maviri.

Nyaya yekuvaka chikoro ichi yaunza mutauro wakanyanya munyika vamwe vachiti uku kupedza mari iyo nyika isina nekobiri rose. Izvi zvapa kuti paite kunakurirana nyoka mhenyu pakati peZanu-PF neMDC.

VeMDC kunyange vakabvuma kunyorerana chibvumirano ichi, vave kudududza gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vachiti vachaedza napose pavanogona napo kugadzirisa chibvumirano ichi.

Nhengo dzeparamende dzakawanda dzataura neStudio7 dzinoti hapana munhu ari kunyatsoziva kuti chibvumirano ichi chiri kufamba sei.

Vamwe vari kuti nyaya yekuti vatema vawane zvikamu makumi mashnu nechimwe kubva muzana, kana kuti 51% mubhizimisi iri, yakambosendekwa parutivi kuitira kuti vekuChina vaite basa voga.

Asi gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vati handi chokwadi kunyange hazvo vasina kudoma kambani imwe chete yemunyika yakapihwawo basa.

VaKasukuwere vati mabhiridha pamwe nemarori ari kutakura zvinhu zvekuvakisa muzinda uyu, zviri kuitwa nezvarwa zveZimbabwe.

Nhengo yeparamende iri mukomiti yezvekudzivirirwa kwenyika vachimirira Zanu-PF kuMazowe North, Retired Major Cairo Mhandu, vanoti hapana chakaipa kuvaka chikoro ichi.

Sachigaro wekomiti yezvekudzivirirwa kwenyika, VaPaul Madzore, vanoti pane zvakawanda zvinoda kuitwa pasati pavakwa zvikoro zvemauto.

XS
SM
MD
LG