Accessibility links

Breaking News

Dare Ronzwa neChitatu Gakava Pakati paVaKonjana naVaNduna Musarudzo yeChegutu West


ZEC

Dare rinotonga nyaya dzesarudzo rakagara neChishanu richizeya gakava riripo pakati paVaGift Konjana veMDC Alliance, naVaDexter Nduna veZanu PF, pamusoro pezvakabuda musarudzo yemumiriri weChegutu West.

Magweta aVaKonjana naVaNduna, VaTarisai Mutangi naVaTawanda Zhuwarara, vanoti vakaita musangano nemutongi wedare reElectoral Court vachionesana mamiriro akaita nyaya iri pakati pevaviri ava, uye kuti ichatongwa riini.

VaKonjana vakaenda kudare iri vachinyunyuta kuti Zimbabwe Electoral Commission, Zec, yakakanganisa kupa mavhoti avo kuna VaNduna, avo vakanzi neZec ndivo vakakunda, asi VaKonjana vari ivo vakakunda.

VaMutangi vanoti nyaya iyi, iyo Zec yakabvuma kuti yakakanganisa, yakanzwikwa zvechimbi chimbi mu chambers nezuro, uye mutongi wedare iri akati ichanzwikwa nemusi weChitatu.

VaMutangi vanoti pamusoro penyaya iyi, pave neimwe nyaya zvichitevera petisheni yakaiswa mudare iri svondo rino neimwe nhengo yakakundwa, VaShingirai Caniscios Bobo vePeople’s Rainbow Coalition.

VaBobo vanoti sarudzo yekuChegutu West inofanirwa kudzokororwa sezvo vatsigiri vaVaKonjana vakarova maagenzi emamwe mapato apo mavhoti ayiverengwa.

Asi VaMutangi vanoti pamutemo petishenI yaVaBobo haimise dare kupa mutongo panyaya yekutanga sezvo dzakasiyana nekuda kwekuti panyaya yekutanga dare rinofanirwa kupa mutongo wekuti ndiyani akakunda zvichitevera kukanganiswa kuverengwa kwemavhoti kwakabvumwa neZec.

VaMutangi vanoti petisheni yaVaBobo inofanirwa kuzopinda kana pave nemunhu akakunda zviri pamutemo vachiti petisheni yaVaBobo yakurumidza kuenda kudare sezvo akakunda asati adomwa nedare.

Gweta raVaNduna, VaZhuwarara vati hapana chavanotaura panyaya iyi sezvo yave kumatare.

Nyaya dzekupikisa zvakabuda musarudzo dzevamiririra veparamende nedzemakanzura dzave kudarika makumi matatu neshanu kudare reElectoral Court ukuwo nyaya yekupikisa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika ichanzwikwa nedare reConstitutional Court neChitatu nemusi weChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG