Accessibility links

Breaking News

Chando cheGore Rino Chokonzera Hurwere Hwakanyanya


edical Center in Thomaston, Georgia.
edical Center in Thomaston, Georgia.

Chando chegore rino chinonzi chakarova zvakanyanyisa zvikuru munguva dzemangwanani nemanheru izvo zvakapa kuti vanhu vakawanda varware nezvirwere zvechikosoro, kutemwa nemusoro, mabayo pamwe nekupisa kwemuviri. Zvirwere izvi zvinozivikanwa nerekuti Upper Respiratory Tract Infections.

Mumwe mudzimai anogara kuKuwadzana Extension, Amai Rudo Gutsa, vanoti vakarwara zvinotyisa kwemasvondo maviri pamwe nemwanakomana wavo mudiki nechikosoro.

VaEdson Nzimbe, avo vanogara kuEastlea, vanoti chando chegore rino chakavatonhora zvokuti vaitoita sokunge munhu ane chirwere che malaria. VaNzimbe vanoti vakaenda kuchipatara asi havana kupihwa mushonga wekurapa chirwere chainge chavabata.

Amai Gutsa naVaNzimbe vamwe vevanhu vakawanda zvikuru vakabatwa nezvirwere zvekutadza kufema zvakanaka nekuda kwekutonhorwa zvakanyanya.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano huwandu hwevanhu vabatwa nezvirwere izvi kusvika pari zvino.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Josephat Chiripanyanga, vanoti vakaona vanhu vakawanda vaichururuka dzihwa, kuhetsura, kupindwa nechando zvakanyanyisa, izvo zvairatidza kuti zvirwere izvi zvainge zvakakomba.

Dr Chiripanyanga vanoti zvirwere zvekupindwa nechando zvakanyanya zvinotapuriranwa kubva kune vanenge vachikosora nekuhetsura zvakanyanyisa vasingavhare miromo nemhino dzavo.

Vanoti munhu akaramba achirwara asinganorapwi, chirwere ichi chinodzika kumapapu ake, chokonzera mabayo, ayo anogona kumuuraya.

Dr Chiripanyanga vanoti kana munhu akanzwa muviri wake wavakupisisa, anofanirwa kunwa mvura yakawanda, uye kukurumidza kuenda kunoona vana chiremba, kwete kuverengera

Vaenderera mberi vachiti vanhu vanofanirwa kupfeka zvinodziya nekunwa zvinwiwa zvinopisa kuitira kuti vasabatwe nezvirwere izvi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG