Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaChamisa naMuzvare Khupe Onetsana Mudare reSupreme Court


Chamisa Khupe

Paita makakatanwa mudare repamusoro-soro reSupreme Court nhasi pakati pemagweta aVaNelson Chamisa nemagweta aMuzvare Thokozani Khupe pagakava rehutungamiri hwebato reMDC, magweta aVaChamisa achiti Muzvare Khupe havafanire kunzwikwa nedare.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakasvitswa kudare iri naVaChamisa chekuti mutongo wakaturwa nedare reHigh Court wekuti havasi mutungamiri webato akasarudzwa pachena, usendekwe parutivi.

Rimwe remagweta aVaChamisa, Advocate Thabani Mpofu, vati havachadi kuti Muzvare Khupe vape mhinduro pachikumbiro chavakasvitsa kudare chekuti mutongo wakaturwa nedare usendekwe parutivi.

VaMpofu vaudza dare kuti Muzvare Khupe havana kupikisa mudare reHigh Court pakanzwikwa nyaya iyi iyo yakakwidzwa kudare neimwe nhengo yeMDC, VaElias Mashavira, yekuti VaChamisa havana kodzero yekutungamira bato reMDC sezvo vachiti kudomwa kwavakaitwa namushakabvu, VaMorgan Tsvangirai semumwe wevatebedzeri vavo kwaiva kunze kwemutemo.

Asi zvataurwa naVaMpofu mudare zvapikiswa negweta raMuzvare Khupe, VaLovemore Madhuku, avo vaudza dare kuti Muzvare Khupe vane chekuita nenyaya iyi sezvo vari ivo vaiva mutevedzeri waVaTsvangirai aifanira kufanobata matomhu pakafa VaTsvangirai pakamirirwa kuitwa kongiresi yechimbichimbi sezvinotaurwa nebumbiro remitemo reMDC kana mutungamiri webato aching afa.

Mumwe wevaive vatevedzeri vaVaTsvangirai, VaElias Mudzuri pamwe nevaimbova munyori mukuru muMDC panguva yehutungamiri hwaVaTsvangirai, VaDouglas Mwonzora, avo vanga vakadomwa naVaChamisa kuti vapindure panyaya iyi, vabvuma kubuda munyaya iyi vachiti pakanzwikwa nyaya iyi muHigh Court, havana chavakataura.

Dare rati richatura mutongo waro mangwana wekuti Muzvare Khupe vobvumidzwa kunzwikwa nedare here kana kuti kwete.

Dare ratiwo riri kuda kuti magweta awirirane kuti mapepa ari pamberi paro ndiwo here akashandiswa pakanzwikwa nyaya iyi muHigh Court.

VaMpofu vati mapepa aya, ayo anosanganisira kuti bumbiro remitemo rebato chairo nderipi rinofanira kushandiswa panyaya iyi, anofanira kunopenengurwa mudare reHigh Court.

MDC inonzi ine mabumbiro akasiyana zvichitevera kuvandudzwa kwakaitwa bumbiro rebato iri pakongiresi yaro.

VaChamisa vanoti ndivo mutungamiri webato akasarudzwa neNational Council yebato ravo kuti vatungamire bato reMDC zvichitevera kufa kwakaita VaTsvangirai izvo zvakazotsinhirwa nekongiresi yakaitwa kuGweru mwedzi mishoma yadarika.

Nekune rumwe rutivi, VaMashavira, avo vakakwidza nyaya iyi kudare vanoti Muzvare Khupe ndivo vaifanira kumbobata matomhu pakamirirwa kuitwa kongiresi yekusarudza aizotsiva VaTsvangirai.

Dare repamusoro, rakabvumirana naVaMashavira izvo zvakazoita kuti VaChamisa vakwidze nyaya iyi kudare reSupreme Court.

Muatauriri waVaChamisa, Va Nkululelo Sibanda, vaburitsa mashoko ekuti VaChamisa ndivo vacharamba vari mutungamiri webato ravo zvisinei nezvichabuda mudare reSupreme Court.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG