Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshoropodzerwa Kutadza Kumisa Kutorwa kweMapurazi


Rimwe sangano rinomirira varimi, reCommercial Farmers Union of Zimbabwe, riri kushora hurumende yemubatanidzwa nekutadza kwayo kumisa kutorwa kwemapurazi nevanhu vashoma shoma vari kuramba vakaomesa musoro avo vanonzi vari kutyisidzira varimi vechichena pamwe nevashandi vavo.

Mugwaro raburitswa nesangano iri pamwe neGAPWUZ, CFU inoti kutyisidzirwa kwevarimi uku, uko kwakatanga zvakare munguva yekisimusi, kuri kuramba kuchienderera mberi pasina zviri kuitwa nehurumende.

CFU inotiwo kunyange hazvo paine chibvumirano cheBilateral Investment Promotion and Protection pakati peZimbabwe neSouth Africa chekuchengetedza mapurazi ezvizvarwa zvemuSouth Africa, kutorwa kwemapurazi evarimi ava kuri kuenderera mberi.

South Africa inonzi yasvitsawo zviri pamutemo kuhurumende yeZimbabwe chichemo chayo chekuti mapurazi ezvizvarwa zvayo asatorwa.

Munyori mukuru weGAPWUZ, Amai Getrude Hambira, vanoti dambudziko rekutorwa kwemapurazi riri kuomesera vashandi vemumapurazi uye kuomesera nyika yose panyaya yechikafu.

XS
SM
MD
LG