Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Votarisirwa Kubvunzurudzwa neKomiti yeParamende


Tendai Biti, the head of the People’s Democratic Party speaking to reporters in Harare, July 14, 2018, has fled to neighboring Zambia seeking asylum.

Sachigaro wekomiti yedare reparamende inoona nezvekufambiswa zvakanaka kwemari dzehurumende, kana kuti Public Acoounts Committee, VaTendai Biti, vanoti vari kutarisira kuita musangano wakakosha zvikuru negavhuna webhanga guru renyika.

VaBiti vanoti komiti yavo ichabvunzurudza VaJohn Mangudya mafambisiro avari kuita mari.

Vanotiwo komiti yavo inoda kuziva zviri kuitikawo pamari ye bond note, iyo VaMangudya vakamboti yakaenzana huremu hwayo nedhora rekuAmerica.

Komiti yaVaBiti kana ichinge yapedza kunzwa kuna VaMangudya, ichanyora gwaro rinoendeswa kuparamende, rozeyiwa risati raendeswa kuhurumende kuti itore matanho pazvinhu zvinenge zvaburitswa mugwaro iri.

Musangano waVaMangudya nekomiti iyi unoitika masvondo mashoma bhanga iri ratara mari yeRTGS semari ichashandiswa munyika.

Dzimwe nyanzvi dzinoti zviri pachena kuti bhanga iri rakaunza RTGS semari yemunyika.

Zimbabwe yakapedzisira kushandisa mari yayo chaiyo muna Gunyana 2003 apo yakatanga kushandisa ma bearer cheques.

Muna 2009 pasi pehurumende yemubatanidzwa, hurumende yakatanga kushandisa mari dzekunze kwenyika dzinosanganisira dhora rekuAmerica, rhandi rekuSouth Africa nedzimwe mari sezvo huremu hwe bearer cheque hwakanga hwadzikira zvinotyisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG