Accessibility links

Breaking News

Caps Yoswedera Pedyo neKusimudza Mukombe wePSL


Murairidzi wechikwata cheCaps United Darlington Dodo anoti havasati vatora mukombe we Castle Lager Premier Soccer League kusvikira vaisa maoko avo ese maviri pamukombe wacho vachiusimudza.

Kunyange hazvo chikwata chake chiri kutungamira makundano aya nemapoinzi mashanu kwasara matambo misere, Dodo anoti chikwata chake chichiri kure nekutora mukombe mukuru uyu.

Izvi zvauya mushure mekunge Makepekepe yarova Hwange 3-1 muNational Sports Stadium nemusi weSvondo ndokuramba yakatungamira gungano rePremier Soccer League ichiteverwa neFC Platinum iyo yakarovawo Yadah 3-1 neMugovera.

Dodo ari kufara nekurova kwavakaita Hwange achiti chikwata chake chiri munzira inofadza achiwedzerawo kuti vatambi vake var ikuziva chinangwa chavo chemwaka uno.

Kukunda kwavakaita Chipangano kwapinza Caps United mumapoinzi makumi mashanu, ichiteverwa neFC Platinum iyo ine mapoinzi makumi manomwe nemanomwe.

Chicken Inn yasiiwa neCaps United nemapoinzi manomwe mushure mekutatarika kwayakaita ndokuita mangange 0-0 neBlack Rhinos.

Asi murairidzi weHwange Nation Dube haasi kufara nemabatirwo akaitwa pembe pamutambo wavo neCaps United.

Chikwata chinoteverwa nechaunga cheDynamos chakashanya kumaruwa eMhondoro-Ngezi ndokunoita mangange 0-0 anove mangange avo echishanu akateverana mumakwikwi aya.

Dynamos yave pachinhaho chechitanhatu nemapoinzi makumi matatu nemapfumbamwe.

Asi mhemberero ichiri kuenderera mberi muchikwata cheHighlanders mushure mekunge yarova TelOne 2-0 muBarboufields Stadium.

Uyu wave mutambo wechina wemurairidzi mutsva weHighlanders Henrik Pieter De Jongh asati akundwa.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi…

Bulawayo Chiefs 2 Triangle 0

Herentals 1 Chapungu 1

Manica Diamonds 1 ZPC Kariba 1

Harare City 3 Mushowani 2

Kwatambwa mitambo makumi maviri nemitanharu, zvikwata zvina zviri pamusoro-soro ndeizvi…

Caps United 50 points

FC Platinum 45 points

Chicken Inn 43 points

ZPC Kariba 42 points

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi..

Bulawayo Chiefs 28 points

Mushowani Stars 27 points

Herentals 26 points

Yadah 24 points

Rugby

Mune mimwe matambo, chikwata cheRugby yemadzimai cheLady Cheeters chakapedza chiri pachidanho chechisere mumakwikwi eRugby Africa Women’s Sevens Tournament akatambirwa muMustapha Ben Jannet Stadium kuTunisia akapera nemusi weSvondo.

Makwikwi aya ainge aine zvikwata gumi nezviviri uye South Africa yakakunda Kenya 15-14 mumafainari ndiyo yakabva yabudirira kuenda kumakwikwi eTokyo 2020 Olympic Games.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG